Dare reHigh Court muPretoria, South Africa neChitatu rapa mutongo unorambidza gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaAaron Motsoaledi pamwe nebazi ravo, kusunga, kuburitsa munyika iyi kana kuchengetedza zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permit asisashande kusvika nyaya iyi yapera kutongwa kumatare.
Mutongo uyu wapiwa panyaya yakakwidzwa kudare nemasangano eHelen Suzman Foundation neCORMSA emuSouth Africa akamirira zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZEP akanga aguma kushanda, izvo zvakanga zvatarisana nekudzingwa munyika iyi.
Dare rati VaMotsoaledi vakapotsa pamaitiro avakaita nyaya iyi, nekudaro vanofanirwa kudzokera kuvanhu vane magwaro eZEP pamwe nevamwe vose vane chekuita nenyaya iyi votaura navo vasati vatora matanho.
Mutongo uyu unoti nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa mudare mukati memwedzi gumi nemiviri.
Mutungamiri wesangano rinomirira zvizvarwa zvekune dzimwe zviri muSouth Africa, reAfrican Diaspora Global Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti vatambira nemufaro mutongo uyu, vachiti unoratidza kuti gurukota rezvemukati menyika VaMotsoaledi vakanga vaita zano ndega, kutevedzera bumbiro remitemo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kusvika kuzviuru zana nemakumi masere, kana kuti 180 000 zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permit, ayo akawedzerwa zvakare nemimwe mwedzi mitanhatu.
Asi nyanzvi mune zvemitemo dzinoti mutongo uyu wawedzera hupenyu hwemagwaro aya nemimwe mwedzi gumi nemiviri kubva zuva rawapiwa.
Facebook Forum