Accessibility links

Breaking News

Madzimai eCCC Ari Kukwikwidza Musarudzo dzeMakanzura Otiza Misha Nekuda kweZanu-PF


Bato rinopikisa reCitizen Coalition for Change rinoti kuMasvingo kwaberekera ingwe sezvo dzimwe nhengo dzaro dziri kukwikwidza musarudzo dzemakanzura dzamanikidzwa kutiza misha dzichityisidzirwa nerufu nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Madzimai matatu akamanikidzwa kuenda muhupoteri anoti Amai Clarieta Dambuza vekuward 20, kuChiredzi North, Amai Philisiwe Moyo vemu ward 11 naAmai Ropafadzo Chingwe veward 13 kuMwenezi. Vachitaura neStudio 7 madzimai aya anoti ari kunzi akakwikwidzirei munzvimbo dzaisakwikwidzwa nevanopikisa makore ose adarika zvaipa kuti Zanu-PF ikunde pasina kubuda dikita.

Amai Dambuza vemuraini rekwa Labamba, kwaIshe Tshovani vanoti vakavingwa pakati peusiku musi weChipiri asi vakakwanisa kutiza.

“Ndakaudzwa kuti uri kuvingwa ndobva ndatobva pamba ndisati ndasvika kure ndakabva ndavaona vachisvika pamba vakananga pabedroom vakavhura nedanda, ndakawanda mumunda nemurume wangu, vakasiya vaudza vana vangu kuti vachanditsvaga kusvika vandiwana vandiuraye,” vakadaro Amai Dambuza.

Vanoti vakamhan’ara kumapurisa ekuMkwasine ayo akati achaferefeta nyaya iyi.

Vachitaurawo neStudio 7, Amai Moyo vekuMwenezi muraini rekwa Magovanyika vanoti vatsigiri veZanu-PF nasabhuku wemuraini mavo vakauya pamba pavo vakati vabve pamba sezvo vainge vapandukira bato reZanu-PF rakavapa munda. Amai Moyo vati, “Pandakazouya vakabva vati munofana kubva nekuti minda iyi takaitamburira haitirwi zvemanyawi zveCCC saka tsvakai kumwe nekuti ndakaita kanzera kumapurazi hakuitwi zve CCC,”

Vakafanobata chigaro chemunyori mune zvesarudzo muMwenezi kuCCC, VaTineyi Mapepa vatenda kuti nhengo dzavo dziri kushungurudzwa zvakanyanya.

“Isu tiri kuti Zanu PF zvairikita zvaitwa kuma 18th century zviri barbaric ngavasiyane nemacandidates edu zvinobvumirwa pa constitution kuti munhu amire kwaanoda,” VaMapeda vakadaro.

Asi mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vati havasati vapirwa nyaya idzi.

VaMapepa vati vatsigiri vebato reZanu PF vari kuita izvi vari utungamiriwa nasachigaro weZanu PF muMwenezi, VaGift Mazhambe, avo varikuti havadi kuona vamiririri veCCC mudunhu ravo.

Hatina kukwanisa kunzwa kuna VaMazhambe sezvo nharembozha yavo yange yakadzima.

Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaPepukai Chiwewe vati bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

“Isu hatigoni kishungurudza vanhu ve opposition nekuti takahwina kare vanotaura izvi handitenderani navo,” VaChiwewe vakaramba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG