Accessibility links

Breaking News

Midziyo yeMadzimai Yekuzvifadza PaBonde (Sex Toys) Yobvumidzwa Here Kushandiswa Zviri Pamutemo?


Munyika maita gakava panyaya yekuti hurumende yobvumidza here kana kuti kwete madzimai kuti ashandise midziyo yekuzvifadza pabonde kana kuti ma"sex toys."

Mumwe mugari wemuHarare audza Studio 7 kuti anoda kungodzi Lindsay anoti madzimai haafanire kuudzwa zvekuita nemiviri yavo. Muzvare Lindsay vati, “ Unogona kuti wawana murume wekuti akufadze nyama yako wowona hauna kugutsikana naye wowona kuti kushandisa mudziyo zviri nani ndizvifadze nyama yangu." Vaenderera mberi vachiti, "Handioni zvine dambudziko kuti munhu akwanise kuita zvaanoda nenyama yake.”

Mutungamiri webato reLEAD Muzvare Linda Masarira
Mutungamiri webato reLEAD Muzvare Linda Masarira

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiri webato rinopikisa reLEAD Muzvare Linda Masarira avo vati, “ Mubumbiro remutemo munotaurwa kuti munhu anoita zvinomuitira nezvaanoona zvinoita kuti hupenyu hwake hufambirire mberi saka kumbunyikidzwa kwekodzero nekuti zvinhu zvaanoita nemudziyo iyi anoita ari mumba make kwete pajekerere”

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana reKatswe Sistahood Amai Talent Jumo vati, “Pavanenge vawana zvikwanisiro zvekuti vabatsirike pavanenge vachiita hamamaoko hatifanirwe kusvika pakuti hurumende inopindira pazviri nekuti madzimai anenge achiedza kushandisa nzira dzisingavaise panjodzi dzisingavape maSTI, HIV,pamuviri pasina anozobvuma kupachengeta saka izvozvo tinoona sekuti zvine kakudzvanyirira madzimai.”

Gweta VaKenias Shonhai
Gweta VaKenias Shonhai

Gweta VaKenias Shonhai vati kushandisa midziyo yepabondekunorambidzwa pasi pemutemo weCensorhip and Entertainment Act. VaShonhai vati, “Zvinorambidzwa nekuti zvinhu zvinonzi zvinobvisa hunhu asizve tinoona kuti tikatarisa nyaya dzekodzero mutemo uyu unogona kuva uchivhiringa kodzero dzevanhu takatarisa section 60 yebumbiro remitemo yenyika inotaura zveFreedom of conscience."

Vaenderera mberi vachiti, "Chakanyanya kukonzera kuti mutemo uyu uiswe inyaya yezvitendero, tsika nemagariro evanhu asi tinoona kuti mazuva ano vanhu vave nemuono, mafungiro nezvitendero zvakasiyana siyana. Vamwe havachatenderi kuti bonde nderekuti vanhu vadanane kana kuti vachizvara vana. Vamwe vavekungotendera kuti bonde nderekunakidzana chetebsaka vamwevanoona kuti midziyo yepabonde ndizvo zvinovaitira saka mutemo haufanirwi kuramba wakabatirira kuzvinhu zvakare.”

Pane kusunga vari kutengesa midziyo yekuzvifadza pabonde iyi, VaShonhai vakurudzira hurumende kuti iite ongororo yekuona kuti hazvina njodzi kuhutano hwemadzimai here.

Asi VaCarlos Nyaumwe vanoti zviri kuitwa nehurumende zvekurambidza kushandisa midziyo yekuzvifadza pabonde iyi zvakanaka.

Vati, “Hazvifanirwi kutenderwa , vanhu tofanirwa kuita nenzira yatakapiwa naMwari.”

Asi sachigaro weZimbabwe Gender Commission Amai Margaret Mukahanana Sangarwe vati komisheni yavo inoda kuti vanhu vatevedzere mutemo. Asi vatiwo, "Zvinoda kuti paitwe tsvairidzo yekuti madzimai ndizvo zvavanoda here kana zviriizvo vanogona kuwana nzira dzekuenda kumatare vonotaura kuti vanoda kuti mutemo uyu ubviswe.”

Pari zvino pane nyaya iri kumatare yakaendeswa nevari kuti zviri kuitwa nehurumende kutyora kodzero dzemadzimai.

Vanhu vaviri munyika vakasungwa nezvenyaya dzinechekuita nezvidhori zvepabonde vakabatwa nemhosva vakaripiswa mafaindi.

Kunyangwe vamwe vachiti ikodzero yemadzimai, vamwe vanachiremba kuAmerica neBritain vanoti zvimwe zvinoshandiswa kugadzira midziyo yekuzvifadza iyi zvinogona kukonzera chirwere chegomarara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG