Accessibility links

Breaking News

Murwere weKutanga Kuvhiyiwa Mwoyo kuParirenyatwa muMakore Mashanu Ofadzwa neKupona Kwaari Kuita


Murwere wekutanga kuvhiyiwa mwoyo mumakore mashanu pachipatara cheParirenyatwa, Muzvare Blessing Bonda.
Murwere wekutanga kuvhiyiwa mwoyo mumakore mashanu pachipatara cheParirenyatwa, Muzvare Blessing Bonda.

Murwere wekutanga kuvhurwa mwoyo pachipatara cheParirenyatwa mukati memakore mashanu anoti ari kufara kuti mupenyu sezvo aitya zvikuru kuti anogona kungofa sezvo zvekuvhiya mwoyo izvi zvakapedzisira kuitwa munyika muna2018.

Muzvare Blessing Bonda, vane makore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa, vataura izvi vari muIntensive Care Unit kuchipatara cheParirenyatwa uko vati vari kupora zvakanaka. “Ndaitya kuti saka vanhu ava varikudzidzira pandiri kuopereta saka ndaizvitya kuti heyi kana kuri kudzidzira ndogona kufa.”

Muzvare Bonda, avo vakavhiyiwa mwoyo musi wa 22 Chikumi, vaudza vatori venhau kuti kunyangwe hazvo vakavhiyiwa pachipfuva, havachina marwadzo avari kunzwa. Chipatara cheParirenyatwa Group of Hospital chatendera vatori venhau vashoma kuti vakwanise kutaura naMuzvare Bonda uye vanga vaine vanachiremba vakavakotsirisa pamwe nevakoti vakabatsira pakuvhiyiwa kwavo.

Vari kutungamiria hurongwa hwekuvhiya mwoyo pachipatara cheParirenyatwa vari nyanzvi yekuvhiya zviri mukati mechipfuva, kana kuti Specialist cardiovascular and thoracic surgeon, Dr Simukayi Machawira, vaudza vatori venhau kuti murwere wavo ari kupora zvakanaka vakati naivowo vaive nekakutya sezvo paive pava nenguva vasina kumbovhiya munhu zvekugadzira mwoyo munyika.

Muzvare Blessing Bonda, nachiremba wavo.
Muzvare Blessing Bonda, nachiremba wavo.

“ Tinofara kukuzivisai kuti operation yedu yakafamba zvakanaka. Uyu semurwere wedu wekutanga sekutya kwaaita isusuwo taivewo nekakutya kataive nako.”

Parirenyatwa pari zvino yavhiya mwoyo vanhukadzi vaviri wepiri wacho akavhiyiwa nezuro. Doctor Machawira vati vanofara kuti kunyangwe zvazvo vakatora maawa matanhatu panaMuzvare Bonda, murwere akavhiyiwa nezuro akatora maawa mashoma.

“Tingati zvakatitorera nguva yakareba kudai nenzira yekuti tatichiita operation iyi kekutanga mushure memakore mashanu saka panenge pachida kudyidzana nekunzwanana pamunenge muchiita operation. Mukatarisa operatini yanezuro yakatora maawa matatu nechidimbu zvichiratidza kuti timu yakubatana uye zvakuita.”

Vatiwo kuti bvupa rakachekwa rinyatsopora zvinogona kutora mwedzi mitanhatu. Vawedzerawo vachiti vave kutarisira kuti vanhu vavanovhiya vachazenge vachiwanda nekufamba kwenguva.

“Sevanhu vachirikutanga tichatanga tichiti murwere mumwechete pasvondo asi tetichitarisira kuti tichapota tichiwedzera . Tichasvika pavaviri pasvondo uye zvikabudiririra tetichiti zuva nezuva pavhiki tetichiita operatini.”

Nyanzvi mukurarisa varwere, Doctor Shield Kajese, vanoti havana chakavatambudza mukurarisa nekumutsa Muzvare Bonda. “Taiziva kuti moyo wake unedambudziko saka takatora matanho ekuti pakumukotsirisa taita zvaiendererana nemamiriro emoyo wake”

Muzvare Blessing Bonda
Muzvare Blessing Bonda

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Henry Madzorera, vati kuvhiyira varwere vemwoyo munyika kunobatsira varombo. “Tinotenda nekufara nekupembera nekuti kurikuvhiyiwa moyo munyika zvinobetsera vazhinji vasingakwanisi kuenda kunze kwenyika.”

Munyika manga musina chipatara chehurumende kana chakazvimiririra change chichivhura mwoyo izvo zvinonzi nenyanzvi zvaiita kuti vamwe vanhu vane zvirwere zvemwoyo vaida kugadzirwa vapedzisire vafa nekuda kwekushaya mari dzekubuda kunorapwa kunze kwenyika.

Chipatara cheParirenyatwa chinoti chine vanhu vari pakati pemazana matanhatu nemazana manomwe vari kuda kuvhiyiwa mwoyo asi chichitiwo kune vanhu vakawanda vane chirwere ichi vasati vave mumabhuku acho.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG