Accessibility links

Breaking News

CCC Yopomera Zanu PF Mhosva yeKuparadza Zvibhorani Zvakachereswa neNhengo yeBato Rinopikisa Iri kuKwikwidza kuBikita East


Zvibhorani zvinorerutsa dambudziko remvura mumatunhu akawanda munyika.
Zvibhorani zvinorerutsa dambudziko remvura mumatunhu akawanda munyika.

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, kana kuti CCC, riri kupomera nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF mhosva yekuparadza zvibhorani zvakachereswa nenhengo yaro iri kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende kuBikita East richiti Zanu PF yakapika kuti mudunhu umu hamudiwi vanoita zvirongwa zvebudiriro vasiri mubato rinotonga kusvika sarudzo dzegore rino dziriko musi wa 23 Nyamavhuvhu
dzapera.

Nhengo dzeCCC dzataura neStudio 7 kuBikita East dzinoti vatsigiri vebato reZanu PF vaitungamirirwa nevari kukwikwidza vakamira Zanu PF, VaCourt Gomba, vakaenda vakakanda matombo muzvibhorani zvina zvakacheresa nevari kumirira bato rinopikisa iri, VaBonface Mudzingwa.

Vakafana kubata chigaro chemutauriri wekomiti iri kuona nezvesarudzo muBikita muCCC, VaJohn Mupanduki, vati ichokwadi kuti zvibhorani izvi, izvo zvaifanira kuiswa magetsi ezuva zvakaparadzwa nevatsigiri veZanu PF vachiti mudunhu ravo maberekera ingwe.

“Bikita yese vanaCourt Gomba vari kudestroya maboreholes akachereswa naVaMudzingwa izvi zviri kuratidza kuti sarudzo idzi dzine njodzi yatova hondo,” VaMupandaki vakadaro.

VaMudzingwa avo vange vasingakwanisi kupinda pamhepo vachiti vari murwendo kuenda kuZambia vatenda kuti zvimwe zvezvibhorani zvavakacheresa pazvisere muBikita East zvakaparadzwa nevatsigiri veZanu PF.

Vari kumira sakanzura weCCC muWard 18, umo mune chimwe chchezvibhorani
zvakaparadzwa, VaNabioth Mucheyi, vanoti bato iri rakaita hutsinye sezvo munzvimbo umu mune dambudiko remvura zviri kumanikidza vagari nezvipfuwo zvavo kushandiswa mvura yakasviba inobva murwizi Chivaka.

Vagari vanonzi vari kupona nemvura yemurwizi.
Vagari vanonzi vari kupona nemvura yemurwizi.


“Takabatikana zvakanyanya, community yakabatikana nekuti kubva 1980 hakuna kumbocherwa chibhorani kune dambudziko remvura,” Vakadaro VaMucheyi.

Vagari vanoti zvakaitwa izvi zvinokonzera mhirizhonga sezvo nyika yakatarisana nesaruduzo.
Asi VaGomba varamba mhosva yavari kupomerwa vachiti havana nguva yekuita zvisina maturo.

“Vaperererwa avo handina nguva yekuita yekuwesta ini, “ vadaro VaGomba vachiramba kutaura zvizhinji.

Vebvato reCCC vati vanga vasati vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi vanotarisira kundomhan’ara munguva pfupi inotevera.

Mhirizhonga yezvematongerwe enyika mudunhu reMasvingo iri kukwira zuva nezuva. Nezuro dzimwe nhengo nhatu dzechidzimai dzebato rinopikisa iri dzakaudza Studio 7 kuti dzakatotiza misha mushure mekuvimbiswa kuurawa nenhengo dzebato reZanu PF nenyaya yekuti dzakasarudza kumira musarudzo dzemakanzura kuChiredzi neMwenezi.

Mune imwewo nyaya, VaChristopher Mutonhori Rwodzi, vange vachitarisirwa kukwikwidza musarudzo dzeparamende vasina bato ravakamirira kuGutu West, vakashaya nezuro manheru mutasona yemumugwagwa, mushure mekunge motokari yavo yabuda mumugwagwa ikawira murwizi pedyo nedhorobha reChivhu.

VaMutonhori vakanyoresa kukwikwidza vakazvimirira mushure mekunge varambidzwa kukwikwidza musarudzo dzebato reZanu PF dzekutsvaga achamirira bato iri musarudzo, kana kuti ma primary election apo pakasarudzwa VaJohn Paradza kuti vamirire Zanu PF.

Mutauriri wemhuri yekwaRwodzi, VaAaron Mutonhori Rwodzi vati varasikirwa zvikuru nekushaya kwemunin’ina wavo uye vanoti mhuri yavo inofungira kuti njodzi iyi ine chekuita nezvematongerwe enyika.

“Ndinoti kumhuri yekwaChinhamhora tarasikirwa zvisingambobviri, mota yavo yakadzvinyirirwa kuti ibude mumugwagwa vaivapo vanoti yaioverteka asi mota yaiovertekwa ndiyo yakamupushira kuti anopinda mubhiriji,” vadaro VaRwodzi.

Vati VaMutonhori vanotarisirwa kuradzikwa musi weSvondo kupurazi remhuri yavo kuMvuma.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG