Varimi vegorosi vakakundikana kurima mahekiteya zviuru makumi mapfumbamwe kana kuti 90 000 hectares, avainge vakatarisirwa kurima egorosi remuchando gore rino.
Munyori mukuru mubazi rezvekurima, VaJohn Bhasera, vakazivisa muchinyorwa chavakaburitsa neChipiri kuti varimi vakakwanisa kurima zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitanhatu kubva muzana, kana kuti 96 percent, zvemahekiteya zviuru makumi mapfumbamwe, kana kuti 90 000 hectares, zvavainge vakatarisirwa kurima gore rino, vachikwira kubva pamahekiteya zviuru makumi masere, kana kuti 80 000 hectares, akadyarwa gore rapera.
Doctor Bhasera havana kuzivisa kuti sei varimi vakatadza kurima ndima iyi.
Dunhu reMashonaland West, iro rinosimbotungamira makore ose adarika, rakazivisawo kuti rakatadza kusvika mahekiteya zviuru makumi matatu nezviviri kana kuti 32 000 hectares zvayainge yakatarisirwa.
Mudhumeni mukuru mudunhu iri, Amai Sarah Ndoro, vanoti kwakanga kwarimwa mahekiteya zviuru makumi maviri nezvitanhatu, kana kuti 26 000 hectares kusvika musiwa 15 Chikumi pakapera nguva yekurima gorosi.
“Pari zvino takakwanisa kurima mahekiteya 26 000 kunyange tainge takatarirwa kurima ndima inosvika makumi matatu nezviviri gore rino”
Mumwe mukuru mubazi rezvekurima, Muzvinafundo Obert Jiri, vanoyambira varimi kuti hazvichayamura kudyara gorosi nguva ino sezvo risisasvike.
“Hazvina zvazvichayamura kudyara gorosi nguva ino sezvo nguva yekudyara yapfuura. Zvekurima hazvisi zvefembera fembera zvinhu zvinoto wongororwa mutsvakiridzo dzinoitwa”
Varimi vegorosi vakawanda vanoti vakaita dambudziko rekunonoka kupihwa zvikwanisiro uye vari kutadza kuwana magetsi vachiti zvinofambisa magetsi zviri kugara zvichifa kana kuti ma breakdowns.
Vamwe varimi vanoti vakatadza kurima ndima dzavaida nekuda kwematambudziko akasiyanasiyana, anosanganisira kunonoka kuwana zvikwanisiro, kusawana magetsi paanenge achidiwa kuti vadiridzire gorosi pamwe nekunonoka kukohwa zvimwe zvirimwa zvakaita sechibage muminda yavanozodyara gorosi.
Varimi ava vanoti nekuda kwekunonoka kukohwa chibage chaive muminda vakanonokawo kudyara gorosi sezvo vachishandisa minda mimwechete.
Mumwe akanonoka kupihwa zvikwanisiro nebhanga reAFC ndiVaBright Ndebele vanorima vari kuBanket.
VaNdebele vanoti vakazowana fotireza masvondo matatu nguva yekudyara gorosi yatanga.
“Ini ndakatozopihwa fotireza nebhanga rangu nguva yekurima yatotanga izvo zvakaita kuti ndisa dyare ndima yandaida”
Mumwewo akanonoka kudyara nekuda kwemagetsi anga asipo zvichinzi mapango akadonha ndiVaNaison Mafuta, vanorima vari kuMazoe mudunhu reMashonaland Central.
VaMafuta vanoti gorosi rinoda kuwaniswa mvura kwemaawa masere pazuva kana risati rabuda richiri pasi.
“Gorosi rinoda kudiridzirwa kwemaawa masere kana risati rabuda rozoda kudiridzirwa maawa mana kana kupfuura kana raiswa fotireza kusvika parino kohwewa”
Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti varimi vakawanda vakaita dambudziko rekunonoka kuwana zvikwanisiro.
“Rimwe dambudziko rakasangana nevarimi vegorosi pakutanga ndere kushaikwa kwezvikwanisiro izvo zvakazoita kuti mwaka wekudyara uwedzerwe kusvika pakati paChikumi”
Mumwe murimi ane mukurumbira wekurima mudunhu reMashonaland West, VaTinashe Ziki, vanoti dambudziko remagetsi riri kuramba richinetsa uye zvave kunzi mawaya anofambisa magetsi ndiwo ari kudambuka.
VaZiki vanoti varimi vanogona kuramba vari padambudziko rekushaya magetsi iwo achinzi avepo nguva dzose.
“Kudonha kwemapango emagetsi nezvimwe zviri kuita kuti magetsi ashayikwe sezvaiyitika nguva yekudzimwa kwemagetsi”
Hatina kunzwa divi reZESA sezvo mutauriri wekambani iyi, Dr George Manyaya, vanga vasingadavire mbozhanhare yavo. Asi ZESAyakavimbisa kuwanisa varimi vegorosi nyika yose 120 megawatts dzemagetsi asingadzimwe dzimwe kana kuti load-shedding, idzo dzinonzi dzinokwanira varimi kubva gorosi richidyarwa kusvika parinochekwa kubva muminda.
Varimi vakawanda vanorima gorosi remuchando vanoshandisa madiridziro zvinoita kuti vade magetsi kwe4nguva inotarisirwa kunge mbeu yegorosi ravo iwane mvura kwemaawa masere pazuva kusvikira yabuda yozoda zvakare mvura kwemaawa mana zvichikwira mushure mekuiswa fotireza kusvika riibve.
Bazi rezvekurima riri kutarisira mametiriki tani zviuru mazana mana kana kuti 400 000 metric tonnes, kudarika gore rapera pakakohwewa gorosi mametiriki tani zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nezvishanu kana kuti 375 000 metric tonnes.
Facebook Forum