Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti isiyane nekatsika kayo kekunakurira vamwe nyoka mhenyu, ishinge zvekungodya imbwa hono panyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa avakataura kumusangano webato ravo reZanu PF kuMatabeleland South mukupera kwesvondo ekupomera vemabhzimusi verudzi rwechi India kuti vari kutenga zvinhu zvakawandisa vachiunganidza nechinangwa chekuti munyika mushaikwe zvekudya nezvekushandisa zviri kukonzera inflation kana kuti kukwira kwemitengo yezvinhu.
Nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika vaine chavanenge vaona chiri kuitwa nevemabhizimusi, zvakakosha kuti pave nekutaurirana kuitira kugadzirisa matambudziko aya.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanotiwo VaMnangagwa semutungamiri wenyika vanofanirwa kubvuma kuti zvinhu zvaondomoka, kwete kunongedza minwe kune vamwe.
Mutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanotiwo kana kuine vemabhizimusi vari kuita katsika kari kutsiurwa nemutungamiri wenyika aka vanofanirwa kutorerwa matanho.
Izvi zvose zviri kuuya panguva iyo hurumende iri kuti dhora remunyika ragadzikana kuburikidza nematanho airi kutora. Saka tingati matanho ehurumende ari kushanda here? Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano vanopokana nazvo.
Saka zvingagadziriswa sei? Muzvinafundo Mugano vanoti gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube ndivo vangotarisirwa kugadzirisa zvinhu kuburikidza nekubuda neimwe bhajeti, asi vachiti izvi zvinowedzera zvakare huwandu hwedhora remunyika.
Kunze kwekunge hurumende yatora matanho anokodzera uye yabuda pachena kuti imire papi panyaya dzekugadzirisa zvinhu, dambudziko rekushaya simba kwedhora remunyika richaramba riripo.
Pamusika weReserve Bank of Zimbabwe dhora rekuAmerica ratengeswa nemadhora emunyika zviuru zvishanu zvine mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nematanhatu, kana kuti 1 US$ is to ZWL$5396.00.
Asi pamusika mutema dhora rekuAmerica rinonzi riri kutengeswa nemadhora zviuru zvipfumbamwe, kana kuti 1 US$ is to ZWL$9000.00.
Kunyange hazvo hurumend iri kuti dhora remunyika rradzikama kana zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica, mitengo yezvinhu muzvitoro haina kudzika.
Facebook Forum