Apo nyika yatarisana nesarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu, kukandirana makobvu nematete kwatanga sezvo vanopikisa vari kuchema chema kuti vari kushungurudzwa nevatsigiri veZanu-PF zvikuru kumamisha iyo Zanu-PF ichiti iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya.
Vachitaura nevatori venhau nhasi muHarare, mutauriri webato reZanuPF, Ambassador Christopher Mutsvangwa, vati vanhu vanofanirwa kuteerera mukuru webato ravo uye vari mutungamiririri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakati vanoda sarudzo dzakachena.
VaMutsvangwa vati, "Mukuru wedu vanodiwa nezvakanaka zvavari kuita muno muZimbabwe nepasi rese.” Vaenderera mberi vachiti, “Ndimurambatsvina havadi zvetsvina pasarudzo apa. Vanoda kukunda zvakachena saka havanei neavo vari kuita mhirizhonga saka vakangozviita chete endai munomhan’ara."
Asi kunzvimbo dzakaita seMasvingo sematauriro emukuru wesangano rakazvimirira roga reCotrad, nzvimbo zhinji dzaberekera ingwe. VaMurodzi vatiwo sangano reFAZ riri kutyisidzirawo vatsigiri vemapato anopikisa. Asi vanozviti mukuru weFAZ VaKudakwashe Munsaka vaudza Studio 7 kuti parizvino havasi kuda kutaura nezvesangano iri.
KuMashonaland West, kune nyayawo yekuti vatsigiri vevaimbova gurukota rezvemigodhi VaWalter Chidhakwa vari kutyisidzirwawo kuZvimba South nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.
Mumwe mutevedzeri wemutauriri webato reTripple C, VaFelix Magalela Sibanda vaudzawo Studio 7 kuti, "Tirikuona isu veCCC kuti vanhu varikufa, varikupisirwa mudzimba , varikutyityidzirwa kuti mukavhota muchiti munozvinyorera tichakunyorerai mese kuti hamugoni kuverenga. Madzishe nemasadunhu varikumbunyikidzwa kuti ngavavhotere vanhu."
Mutauriri webato reZapu, VaMsongelwa Ndlovu vati bato reZanu PF riri kutamba nepfungwa dzeveruzhinji. VaNdlovu vati, "Iko kunotaurwa nevatungamiriri vebato ravo kuti bhilo yekuvhotesa nayo haigoni kutora masimba kubva kugidi ndozvinokurudzira mhondi idzi,"
VaMutsvangwa vatiwo ZanuPF haina hany’a uye haivhundiki nekunyoresa kukwikwidzidza chigaro chemutungamiriri wenyika kwakaitwa nevaimbova gurukota uye murongi wemabasa mubato iri, VaSavior Kasukuwere.
VaMutsvagwa vati, "Vanhu vese kwaari kufamba achitsvaga rutsigiro kuti akwikwidzane nesu vari kuuya vachiudza mutungamiriri wenyika, vanhu vacho varungu ko kuzoti vatema vari padhuze naye."
Asi mutauriri waVaKasukuwere, Amai Jacqueline Sande vatiwo havanei nezvinotaurwa nebato reZanu PF Vaudza Studio 7 kuti. "Isu chedu kumirira mukuru wedu kuti tisvike kuZimbabwe titange kutsvaka rutsigiro.”
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvakakosha kuti vanoongorora sarudzo vaite zviri kuitwa nesangano reEuropean Union zvekukurumidza kutumira vaongorori vesarudzo sezvo zvichigona kuvatsira kupodza mhirizhonga.
Facebook Forum