Accessibility links

Breaking News

VaMutodi veZanu-PF Vanonzi Varidzira Vatsigiri veCCC Pfuti kuMasvingo


VaEnergy Mutodi veZanu-PF
VaEnergy Mutodi veZanu-PF

Vari kukwikwidza musarudzo dzemumiriri wedare rerapamende kuBikita South VaEnergy Mutodi vari kupomerwa mhosva yekukanganisa musangano weCCC paBaradzanwa apo vanonzi vasvika nevechidiki vebato ravo vakabuditsa pfuti ndokuridzira vanhu izvo zvaita kuti vamwe vatsigiri vabva vatiza pamusangano uyu. Vamwe vanonzi vabva vatanga kutema motokari yaVaMutodi nematombo.

Mumwe wevatsigiri vange varipo pamusangano uyu, VaJohn Mupanduki vaudza Studio 7 kuti vatsigiri vavo vapindwa nekutya kukuru apo pfuti yaridzwa. “Ichokwadi tiri kuno kuBaradzanwa, VaMutodi vauya nevatsigiri vavo ndokuridza pfuti vanhu vakatya vamwe vatotiza,” VaMupanduki vanodaro.

Izvi zvatsinhirwa nevakafanobata chigaro chemunyori munezvesarudzo mubato reTripple C mMasvingo, VaGodfrey Madzikanda. Vati, “Kana vachitotaura kuti musarova vanhu vanenge vachitoti rovai vanhu nekuti zvinorevei kuti munhu aridza pfuti nazvino hasari asungwa,”

VaMadzikanda vati bato ravo razokwanisia kuendereera mberi nemusangano wavo.

Asi vachitaura neStudio 7 varamba kuti ndivo vakonzera mhirizhonga vachiti motokari yavo yarwiswa ichidarika iine mutyairi wavo.

“Pandasvika ndichiti ndione chaitika vanhu veCCC vauya kwatiri vakaunganidza matombo ndotanga kupfura mota dzedu nematombo , tikatiza tichibva ipapo,’’ Vadaro VaMutodi.

Vaenderera mberi vachitiwo, “Tazokaruka vatova pa internet kuti Zanu PF yaita violence ivo varivo vatanaga, tashaya kuti vari kuda kudii,”

Mutauriri weZanu PF, muMasvingo, VaPepukai Chiwewe varambawo kuti bato ravo riri kuita zvemhirizhonga. Vatiwo, “Isu hati shungurudzi vanhu, President vaedu vanotaura zvakajeka kuti hatina nguva yekuita mhirizhionga nekuti chinhu chiri mumaoko edu.”

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaBlessing Vava vati zviri kuitika kubato rinopikisa zvinoratidza kuti sarudzo hadzisi kuitwa pachena.

“Chiitiko chaitika pazuva ranhasi chinoratidza kuti nyika yedu haisati yagadzirira kuti iite sarudzo pachena uye pajekerere,” Vanodaro VaVava.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisssioner, Paul Nyathi vati vange vasati vanzwa nezve nyaya iyi. Vati, “I need to check ne the provincial command yekuMasvingo,”

Kukanganiswa kwemusangano uyu kunouya apo nezuro bato reCCC rakarambidzwa kuita musangano munhandare yeTsvovani kuChiredzi uye nhasi mapurisa arambidza bato iri kuita mumwe musangano webato iri kuitwa kwaChivi Growth Point. Mapurisa ari kuti pane zvirongwa zvehurumende zvinenge zvichiitwa pedyo nepanenge pachida kuitwa misangano neCCC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG