Apo mapato ezvematongerwo enyika ave mushishi kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino, mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi yasimukawo zvakanyanya, zvikuru mudunhu reMasvingo nemamwe maruwa ekuMashonaland West.
Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, riri kuchema kuti nhengo dzaro dziri kuoneswa chitsvuku nenhengo dzeZanu PF pamwe nevanofungidzirwa kuti vasori vachishanda nesangano reForever Associates Zimbabwe, FAZ, avo vanopomerwa mhosva yekukanganisa musangano yebato rinopikisa iri.
Asi bato re Zanu PF pamwe neFAZ, vanoramba kuti vane chekuita nemhirizhonga iri kutaurwa neCCC iyi, Zanu PF ichiti iri kukurudzira nhengo dzayo kuti dzisiyane nemhirizhonga sezviri kukurudzirwa nemutungamiri wayo vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau nemusi weChina kuti bato ravo hari kurudziri mhirizhonga, vachiti vanenge vashungurudzwa vamhan’gare kumapurisa.
Ukuwo, mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekurambidza misangano yeCCC, achipa zvikonzero zvakasiyanasiyana.
Nemusi weChina mapurisa anonzi akarambidza musangano weCCC waida kuitirwa munhandare yeTshovani kuChiredzi, nechikonzero chekuti gurukota redunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira vaivhura zviri pamutemo imwe kiriniki muChiredzi makare.
Asi nhengo yeCCC, VaGodfrey Kurauone vanoti havafungi kuti bato reZanu PF riri kutaura nemwoyo wese vachiti zviri kuitika mundima zvakasiyana zvikuru nezviri kuparidzwa nebato riri kutonga.
Asi nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanopikisa vachiti kana paine vari kukonzera mhirizhonga yezvematongerwo enyika ngavasungiswe, uye vari kushungurudzwa ngavamhan'gare kubato ravo nhengo dzacho dzitorerwe matanho.
Facebook Forum