Nezuro, gweta rine mukurumbira munyika VaObey Shava vanonzi vakarohwa zvakaipisisa pamwe nemumwe anovabatsira kuita basa nevanhu vanonzi vainge vanyepa kuti vanoda rubatsiro rwavo segweta muHarare.
Bepanhau repadandemutande reZimlive rinoti vanotengesa mumugwagwa kuBelvedere vakaona VaShava vachirohwa vanoti vakavarwisa vainge vari mumotokari mbiri dzinoti yeMercedes Benz sedan neToyota GD6.
Vakashanyira VaShava mushure mechiitiko ichi, VaDenford Ngadziore kanzura webato reCCC vashora zvikuri zvakaitwa izvi vakakurudzira kusungwa kwenhubu dzakapara mhosva iyi. VaNgadziore vati, “ Mapurisa akaudzwa asi hapana ati asungwa." Vatiwo, " Itarisiro yangu kuti vakarova VaShava vasungwe vorangwa”
Vachitaura neStudio 7 mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanuPF VaTafadzwa Mugwadi vati bato ravo rakarwira kuti vanhu vashande munyika vakasununguka uye haridi zvemhirizhonga.
VaMugwadi vati, “ Ikodzero yavo kuita mabasa avanoda munyika yavo yakasununguka naizvozvo zvingava zvinoshamisa kuti bato rakaita basa guru rakadaro ripomerwe mhosva yekuti ravhiringidza vanhu "
Vatizve, "Asi tinoziva kuti vose vanoita izvozvo vanenge vachikanganisa saka tinokurudzira kuti vanomhan'ara kumapurisa, mapurisa achaongorora voona kuti ndianai aita mabasa akadaro.”
Mutauriri wesangano rinoona nezvemagweta munyika reLaw Society of Zimbabwe VaRichard Chidza vashorawo zvikuru mhirizhonga yakaitwa kuna VaShava.
VChidza vati, “ Takatyamadzwa nekutyiswa nekurohwa zvakanyanyisa kwakaitwa gweta rinorwira kodzero uye vari nhengo yedu VaObey Shava."
Vatiwo, "Kunyangwe tichiri kuongorora nyaya iyi, Law Society iri kuvhundutswa nemifananidzo yaVaShava iri kubuda pasocial media uye tinoshora zvakanyanya kushandiswa kwemhirizhonga.”
Mamwe masangano ashoropodza kukuvadzwa kwaVaShava anosanganisira Amnesty International, The International Commission of Jurists (ICJ) avo vati kukukuvadzwa kwavo kunouya vachangobudirira nemamwe magweta kuchenura mumiriri weHarare West Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecelia Chimbiri vebato reCCC pamhosva yavaipomerwa yekuti vainge vanyepera kuti vakapambwa muna 2020.
Vamwe vatumira mashoko kuvatori venhau vachishushikana nezvakaitika kuna VaShava vanosanganisira Reverend Kenneth Mtata vanoshanda nesangano reWorld Council of Churches uye mutauriri webato rinopikisa reCCC Muzvare Fadzayi Mahere, vesangano reZimbabwe Human Rights Association, nevesangano revarairidzi reARTUZ.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vachambobvunzurudza kumakamba avo kuti nyaya yaVaShava yasvika here kumapurisa.
Facebook Forum