Accessibility links

Breaking News

Citizens Coalition for Change Inopomera Zanu PF Mhosva yeKukanganisa Musangano Wayo kwaGutu, Zanu PF Ichiti Haina Nguva yeMhirizhonga


Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vari pamusangano webato ravo kwaGutu kuMasvingo.
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vari pamusangano webato ravo kwaGutu kuMasvingo.

Nhengo nhanhatu dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, dzinonzi dzakuwadzwa pamhirizhonga inonzi yakonzerwa nevanofungidzirwa kuti Vatsigiri veZanu PF vanga vachiedza kuvhiringidza musangano waitwa nebato rinopikisa iri panzvimbo yemabhizimusi yeMaungwa kwaGutu mudunhu reMasvingo neChishanu.

Musangano uyu wazomiswa nemapurisa uchiri pakati achiudza mutungamiri webato rinopikisa iri VaNelson Chamisa kuti nguva yavo yekuti vachivhara musangano wavo yanga yakwana.

VaChamisa, avo vari kukwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika, vachema-chema nezviitiko izvi vachiti kuita misangano yavo yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu kwave kunetsa zvikuru.

VaChamisa pomera bato riri kutonga reZanu PF pamwe nemapurisa mhosva yekuvakanganisa kuita misangano yavo, vachiti vari kuteverwa kwese kwavanoenda izvo zviri kuvhiringa hurongwa hwavo.

Nhengo dzeCCC kwaGutu.
Nhengo dzeCCC kwaGutu.

“Kwese kwanadainda varikuvharidzira misangano , kuChiredzi, Kuzaka vakati ndisati ndapedza vakati zvakwana,”

Vati bato ravo richaramba richiita misangano iyi kunyangwe vari kuvhiringwa uye vanotarisira kukunda musarudzo zvine mutsindo nekuti vanhu vave kuda shanduko uye hupenyu hwakanaka.

Vati chero bato ravo rikashungurudzwa vachapinda panyanga vodzora nyika pakanaka payaiva uye kuti veruzhinji vagute ukuwo hupfumi hwenyika hwanaka.

“Toda kudzorera nyika kufidha Africa zvataita , kufidha world zvataita tine zvakawanda asi hapana chinoratidza, goridhe, ngoda asi vanhu vane nhamo,” vadaro VaChamisa.

Mutungamiriri webato reZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogara vachivimbisa nyika kuti havadi mhirizhonga pasarudzo dzegore rino, asi veCCC vanoti muromo hauzarirwi nerwizi sezvo vatsigiri vavo vari kurakashwa.

Mumwe vevatsigiri veCCC vati varohwa zvakaipisisa nevavanoti vatsigiri veZanu PF vange vakakomba zvitoro zvepaMaungwa vachirambidza vanhu keunda pamusangano uyu, ndiMuzvare Shumirai Tagu.

“Ndabva kumba ndichiuya kuno ndikavharirwa vachida kundirova vachiti tisu takapisa mashops vakandikurura hembe ndokutora tshirt yangu,” vadaro muzvare Tagu.

Zanu PF inoramba kuti iri kushungurudza CCC.
Zanu PF inoramba kuti iri kushungurudza CCC.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, varamba zvipomerwa izvi vachiti bato ravo riri kungozorwa mafuta enguruve yarisina kudya. VaChiwewe vanoti havana nguva yemhirizhonga sezvo vakakunda kare.

“Hatina nguva yekuita mhirizhonga isu sezvinotaura mukuru wedu wenyika tagara takatora chinhu ichi,” vaChiwewe vadaro.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa haasi kunyima vanopikisa hurumende mvumo yekuita misangano yavo yezvematongerwo enyika.

VaNyathi vati mvumo iyi inopihwa nevakuru vemapurisa mumumatunhu, kana kuti Officer Comanding District, uye kana mvumo isina kupihwa vanenge vachironga musangano vanofanirwa kunotaurirana nemukuru wemapurisa uye kana izvi zvaramba vanokwanisa kuenda kumatare edzimhosva.

Vatsigiri vwCCC vapinda musangano webato ravo kwaGutu.
Vatsigiri vwCCC vapinda musangano webato ravo kwaGutu.

Vati CCC ine nzvimbo dzakawanda dzayakapihwa mvumo yekuita misangano yayo.

Asi CCC inoti VaChamisa varambidzwa nemapurisa kuita mumwe musangano wavo kwaChivi uye nemusi weChina vakamiswa kutaura musangano wavo uchiri pakati kuZaka.

Bato iri rinoti nemusi weChitatu zvakare rakarambidzwa kuita mumwe musangano waro panhandare yeTshovani mudhorobha reChiredzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG