Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, rinoti mapepa aro ariri kupokana nedanho rakatorwa nemutongi wedare ramejasitiriti wekuBindura rekuramba kunzwa nyaya yekurambidzwa kwemusangano waro warakanga rakaronga kuita nemusi weSvondo mudhorobha iri atambirwa nedare repamusoro reHigh Court.
Nhengo yeCCC, VaAgency Gumbo, vanove zvakare gweta uye vari kufambisa nyaya idzi kumatare, vanoti vamirira kunzwa kuti mutongi wedare repamusoro ari kubata nyaya iyi achatara zuva ripi rekunzwa chikumbiro chavo.
“Iko zvino mutongi wedare guru ari kuongorora mapepa achizotipa zuva rekuti tiuye pamberi pake titaure nyaya yedu. Tinotarisira kuti zuva ratinopiwa kungava nhasi manheru kana kuti mangwana kuseniseni, eeh, before nguva yatakatara kuti tiite musangano wedu, we launch ye Triple C campaign,” vanodaro VaGumbo.
Mapurisa muBindura akanyima mvumo bato reCCC mvumo yekuenderera mberi nemusangano waro neSvondo achipa zvikonzero zvekuti nzvimbo iri kuda kuitirwa musangano uyu haina migwagwa nezvimbuzi.
Asi bato rinopikisa iri rinoti mapurisa ari kushandiswa nebato riri kutonga reZanu PF kumbunyikidza nhengo dzaro, kunyange hazvo mapurisa pamwe neZanu PF vachiramba zvipomerwa izvi.
Bato iri rine hurongwa hwekuparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro kuBindura mudunhu reMashonaland Central.
Facebook Forum