Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC-T Inotungamirirwa naVaMwonzora Rinombosendeka Hurongwa kweKuparura Chirongwa cheKutsvaga Rutsigiro


Bato reMDC-T rinoti richatanga ramirira kunzwa zvinobva kumatare.
Bato reMDC-T rinoti richatanga ramirira kunzwa zvinobva kumatare.

Bato rinopikisa reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, rinoti rambosendeka hurongwa hwaro hwekuparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro hwanga huchitarisirwa kuitwa nhasi muHarare.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muMDC-T, VaChengetai Guta, vanoti musangano uyu wambosendekwa nekuti bato ravo riri kuda kutanga ramirira matare edzimhosva kuti anoti kudii panyaya yenhengo dzavo dzakatadza kunyoresa kuti dzikwikwidze musarudzo dzegore rino nekuda kwekusashanda kwemichina yeZimbabwe Electoral Commission,ZEC yaitambira mari dzaibhadharwa.

VaGuta vanoti pavakaenda kudare rinotonga nyaya dzesarudzo, reElectoral Court, uko vaida kuti vaifanirwa kukwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo vatenderwe kunyoresa, vakapiwa chiono chekuti magweta avo ambogara pasi nemagweta eZEC, asi magweta eZEC akazodzoka ave kuti ave kuda kuti nyaya iyi iongororwe kana kuti kunzverwa nedare.

“Saka izvi ndizvo zvazopawo kuti isusu titi aah, hazvichagona nekuti hurongwa uhwu tingahuparura sei tisina vamiriri vedu", vanodaro VaGuta.

Vanoti vanofara zvikuru nekuti vana veZimbabwe vari kuona vega kuti hutongi hwehudzvanyiriri yeZanu PF hwekuda kuedza kuti humbunyikidze zvido zveveruzhinji, humbunyikidze musangano wavo weMDC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG