Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzotiza Misha Mushure Mekurohwa Zvakare neVanofungidzirwa Kuti NdeveZanu-PF


Vatsigiri vebato rinopikisa kuManicaland neMasvingo vanoti vakarohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu-PF mukupera kwesvondo zvapa kuti vamwe vavo vatize misha vachienda kunopotera kune dzimwe nzvimbo.

Bato reCCC rinoti nhengo dzaro shanu kusanganisira vatatu vari kukukwidza musarudzo dzemakanzuru kwaGutu nekuChipinge vakarohwa uye vakatotiza misha vachityira kuitwa kafiramberi.

Vatatu vari kukwikwidza vakarohwa ndiVaWilliam Mutondoro veward 3 kwaGutu vakavingwa kumba kwavo vakarohwa, uye VaCaleb Chenjerai Dhloko veward 13 naVaBrighton Nyanise veward 14 kuChipinge avo vakarohwa vari pamusangano wavo nezuro.

Vamwe vatsigiri vebato iri vaviri vekwaGutu VaPedzisai Manjombo naMuzvare Shumurai Tagu vanoti vakarohwa zvakare svondo rino mushure mekurohwa neChishanu chadarika.

Muzvare Tagu vanoti akavingwa pamba husiku vakarohwa vachipomerwa mhosva yekuudza Studio 7 kuti vainge varohwa nevatsigiri veZanu PF.

“Vakanditsika padumbu manheru akuswera nezuro, vana Norman vakauya pamba husikusi vakandi threatena vachiti wakatitaurireyi paStudio 7. Baba vangu vakati havadi zvekuparirwa vakandidzinga pamba izvezvi handisi pamba,” Muzvare Tagu akadaro.

Izvi zvatsinhirwawo naVaManjombo avo vati vari kutogara musango sezvo veZanu PF vari kuuya pamba pavo manheru oga oga.

VaMutondoro avo vari kumira kuward 3 kwaGutu vanoti vakatotiza pamusha pavo nekuti vakavingwa kaviri pakati pehusiku vakasiya vavimbiswa kuurawa nekuti vari kumira kubato reCCC. Vati, "Vatove ne four days vachiuya pamba pangu vachingozviringana neni vachiti toda kukuuraya nekuti uri weTripple C muno hamuitwi izvozvo.”

KuChipinge VaDhloko vari kukwikwidza vakamirira CCC muward 13 vanoti vakarohwa pamusangano wavo wavaita wekutsvaga rutsigiro nezuro pazvitoro zvekwaMapungwana. VaDloko vati, “Nezuro pataita musangano wedu kachiimba vakauya nekwataiva uye vakavinga vana vangu pazvitoro vachiita mhirizhonga,”

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kugara vachiti havasi kuda zvemhirizhonga musarudzo.

Izvi zviri kutsinhirwawo nemutauriri weZanu PF muMasvingo VaPepukai Chiwewe. VaChiwewe vati, “Hati tsigiri mhirizhonga tongoramba tichidzokorora kuti hatitsigiri mhirizhonga hameno kuti vanouya kwamuri kunhepfenyuro vanenge vasiri ivo here vanotanga mhirizhonga, President wedu anogara achiti hatidi mhirizhonga,”

Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstallos Siziba, vatenda kuti mhirizhonga kunhengo dzavo munyika iri kuwedzera. VaSiziba vati, “Zvinoratidza kuti Zanu PF iri kuvhunduka ndosaka vave kushandisa mhirizhonga asi vanhu takavaudza kuti kupedza zvinhu zvese kuvhotera vaChamisa neCCC musi wa23,” VaSiziba vakadaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner, Paul Nyathi vati vange vasati vanzwa nezvenyaya idzi vakati vachataura nevakuru vemapurisa kwaGutu nekuChipinge.

Asi vatsigiri VeCCC vanoti chero vakamhan’ara nyaya dzavo kumapurisa vatsigiri veZanu PF havasungwi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG