Accessibility links

Breaking News

Vari Kumbotungamira ZIFA Votanga Basa Vachivimbisa Kuumba Hwaro HweKuenda MaWarriors kuWorld Cup


Vanotungamira nhabvu pasi rese veFifa vasarudza VaLincoln Mutasa semutungamiri mutsva wenhabvu muZimbabwe asi kwenguva pfupi. Izvi zvinotevera danho reFIA nezuro rekutendera Zimbabwe kuti ichitange kutamba nedzimwe nyika mushure mekumbomiswa nekuda kwekuda kupinza zvematongerwo enyika munhabvu.

Mukuru weFifa anoona nezvebudiriro yenhabvu muAfrica VaSolomon Mudege vazivisa kuti VaMutasa vachatungamira komiti yevanhu vana avo vachange vachitungamira nekugadzirisa nhabvu muZimbabwe kusvika muna Chikumi gore rinouya.

Dzimwe nhengo dze komiti iyi ndi Muzvare Rosemary Mugadza, Muzvare Nyasha Sanyamandwe naVaSkhumbuzo Ndebele.

VaMudege vanoti vakabuda nekomiti iyi mushure mekutaura neCaf, Cosafa, SRC, pamwe nemapazi akasiyana siyana munhabvu muZimbabwe.

Vawedzera ivo kuti komiti iyi yapihwa basa rekutungamira nhabvu pamwechete nekugadzirira kuti pazoitwa sarudzo yevatungamiri vemutambo uyu gore rinouya.

VaMutasa vanoti basa ravatambidzwa iguru asi nerutsigiro rwemhuri yese yeZimbabwe zvinhu zvinogona kufamba zvakanaka.

Izvi zvauya zuva rimwechete Fifa ichangobva kutendera Zimbabwe kukwikwidza neve kune dzimwe nyika zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nyika iyi muna Kukadzi gore rapera nemhaka yekupindira kwekomisheni yehurumende yeSports and Recreation Commission munyaya dzenhabvu zvinotyora bumbiro remitemo reFIFA.

VaRalph Nkomo avo vanga vakamirira Cosafa vanoti mangwana chaiwo Zimbabwe ichange iri munguwani yemubatanidzwa wezvikwata yemakundano e2026 World Cup.

VaMutasa vanoti chinangwa chavo kugadzirisa kuti rimwe gore Zimbabwe ibudirire kuendawo kuWorld Cup.

Aimbove munyori mukuru we Basketball Union of Zimbabwe vari mutsigiri wenhabvu mukuru VaTendai Zhakata vanoti danho ratorwa neFifa iri rinofadza.

Aimbotambira Lengthens Tafadzwa Mangava anoti afarawo zvikuru nekudzoka kweZimbabwe munhabvu yepasi rese.

Asi Zimbabwe ine nhandare dzacho dzekuti itambire nhabvu here sezvo dzose dzakanzi neCAF hadzina kukodzer? Gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry vati mushure mekushanya nenhengo dzeFifa munhandare iyi, zvinoda kugadziriswa hazvina kunyanya kuwanda.

Zimbabwe irikuda kushandisa National Sports Stadium muhondo yayo yekuda kuenda kuWorld Cup kekutanga kubvira makundano aya avambwa muna 2030. Africa yakawedzerwa nzvimbo dzeWorld Cup kusvika papfumbanwe kubva pashanu.

Forum

XS
SM
MD
LG