Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaRaisi VekuIran Voimba Rwumbo Rwumwe Chete PaZvirango Zvavakatemerwa neAmerica


Mutungamiri weIran VaRaisi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weIran VaRaisi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika yeIran VaEbrahim Raisi vasvika muZimbabwe nhasi kuzoita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachibatana murwiyo rwekushora America nedzimwe nyika dzakavatemera zvirango.

Vaviri ava vanopomerwa mhosva yekutonga nedemo. VaRaisi vakashanyirawo dzimwe nyika dzakatemerwa zvirango neAmerica dzinosanganisira Venezueala, Cuba neNicaragua.

Kushanya kwaVaRaisi uku kuri kuuya panguva iyo pasi rino risina kugadzikana nekuda kwehondo iri pakati peRussia neUkraine.

Iran iri kupomerwa mhosva yekubatsira Russia nendege dzehondo dzemhando yemadrones ukuwo Zimbabwe iyo inoti haisi kutora divi pahondo iyi ichinzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inotsigira hayo Russia.

Asi vachitaura mushure mekunyorerana zvibvumirano gumi nezviviri mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vakavatemera zvirango havafari kuona vachibatana zvavaratidza nhasi. VaMnangagwa vati, “Zvakakosha kuti isu vana nyakukuvadzwa nezvirango zvenyika dzekumadokero titautirane." Vaenderera mberi vachiti, "Vakaisa zvirango izvi havadi kuti titaurirane. Asi nekuda kwekuti tese tiri mavictims zvakakosha kuti tivaratiratidze kuti takabatana.”

Vatiwo vanoda kudzidza kubva kuIran kuti zvisinei nezvirango izvi vangarambe sei vachisimudzira hupfumi hwenyika.

Vachitaura nechirudzi chenyika yavo, mutungamiriri weIran, VaEbrahim Raisi vatiwo chinangwa chehukama hwavo ndechekubvisa zvirango zvakaiswa nevavengi kudzosera shure budiriro yenyika mbiri idzi pamwe nekushandisa humhizha hwechimanje manje kusimudzira budiriro.

Vatiwo vanoda kuona zvibvumirano zvaitwa nhasi zvichibudirira.

Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika uye munyaya dzebudiriro vaJoy Mabenge vati kushanyirwa kweZimbabwe neIran hakuna chakunochinja muhupenyu hwevana veZimbabwe vachitiwo hukama uhwu hwave nemakore huripo kubvira mushakabvu Robert Mugabe vachiri kutonga.

VaMabenge vat, “ Hurumende iripo haina donzvo kana kuti policy yaisimbiswa naVaMugabe yekuti look East policy."

Vaenderera mberi vachiti, ''VaMnangagwa vari kuti Zimbabwe yakavhurika kune vemabhizimusi saka vanenge vachifanirwa kutamba vakachenjerera nekuti bhizimusi racho ravanoda havafanirwi kunyanyorerekera kune dzimwe nyika dzinoonekwa sekuti dzine rimwe divi radzakarerekera kunyanya panguva ino yehondo yekuUkraine. Hondo iyi irikuonekwa ichinge irikusundwa naVaPutin (VaVladimir Putin mutungamirti wenyika yeRussia) saka vese vachazenge vachiita hushamwari navaPutin saiyo Iran iyi vozoita hushamwari nenyika dzemuAfrica vanogona kusisya nyika idzi dzapinda munataisireva.”

Asi Mumwe mutsigiri webato reZanu PF anga ari kunhandare yendege VaGift Muchando vabvakuChitungwiza vatiwo kudyidzana nedzimwe nyika sezviri kuitwa naVaMnangagwa kwakakosha. “Kunounza mabasa, hushamwari pamwe nekuti tidzidzewo kuti tsika dzeikoko dzakamira sei. “

Nyanzvi munezvehupfumi VaVictor Bhoroma, vati tarisiro ndeyekuti kushanya uku kuunzewo nyaya dzekutenga nekutengeserana.

“Tarisiro yevana veZimbabwe ndeyekuti kushanya uku pabudewo nenyaya dzekutenga nekutengeserana, kuvhurwa kwemakambani, kufamba kwemari uye budiriro kuzvinhu zvinoshuvirwa neveruzhinji zvakaita sekubatana mukugatsira magetsi kana kupa mikana kune vemabhizimusi kuti vatengesewo kuIran.

VaRaisi vashanyirawo Kenya ne Uganda vasati vasvika muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG