Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMaruwa Vanoti Misangano yeZvematongerwo eNyika Yave Kuvakanganisa Mabasa


Vamwe vagari vanoti vari kumanikidzwa kuenda kumisangano iyi nevezvematongerwo enyika.
Vamwe vagari vanoti vari kumanikidzwa kuenda kumisangano iyi nevezvematongerwo enyika.

Vagari vakawanda vekumaruwa munyika vari kuchemachema kuti misangano yezvematongerwo enyika iri kuitwa nevemapato ezvematongerwo enyika vave kumhanyidzana kutsvaga rutsigiro yave kukanganisa mabasa avo ekuzviraramisa, zvikuru emuminda nemumapindu.

Bato reZanu PF rakatoparura hurongwa hwaro hwekutsvagira rutsigiro nhengo dzaro dzichakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika, maseneta, nhengo dzeparamende nemakanzura izvo zvakavhurira nhengo dzaro kuita misangano munzvimbo dzadzichakwikwidza.

Ino inguva yekukohwa.
Ino inguva yekukohwa.


Kunyange hazvo bato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, riri kuronga kuparura hurongwa hwaro hwekutsvaka rutsigiro kunhandare yeMkoba kuGweru nemusi weSvondo, nhengo dzaro dzakatotanga kare kupinda muvanhu dzichitsvaga rutsigiro.

Asi dzimwe dzenzira dzekutsvaga nadzo rutsigiro dzakaita sekuunganidza vanhu dzinonzi hadzisi kufarirwa nevakawanda kumaruwa sezvo vari kuti dziri kukanganisa mabasa avo, zvikuru munguva ino yekukohwa zvirimwa kubva muminda pamwe nekugadzirira kurima kwemwaka unotevera.

Mumwe asiri kufara nemisangano iyi, zvikuru iri kushevedzerwa nebato reZanu PF, iyo vanoti vanoita zvekumanikidzwa, ndiVaJealous Taruza veku Hurungwe.

VaTaruza vanoti misangano yezvematongerwo enyika iri kuwanda zvekuti yave kuvakanganisa kuita mabasa emuminda.

Musangano weZanu PF kuMagunje.
Musangano weZanu PF kuMagunje.


“Misangano yezvematongerwo enyika iri kuwanda kubva zvakaitwa musangano naVaMnangagwa kuMagunje zvekuti yave kutitadzisa kukohwa”

VaTaruza vanoti dai misangano iyi ichiitwa misi yechisi sezvaiitwa nguva yakare.

“Dai misangano iyi yaiyitwa musiwe chisi vanhu vasingaende kuminda zvainge zviri nani”

Mumwe asiri kufarawo nemisangano iyi ndiAmai Maudi Mwazha vekuChpinge kuManicaland.

Amai Mwazha vanoti musangano mukuru wekuparura misangano yekutsvaga rutsigiro wakaitwa nemutungamiri webato reZanu PF uyezve vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, wakavaparira sezvo vave kunzi vapinde misangano inoshevedzerwa nechimbichimbi.

Amai Mwazha vanoti vave kudza kurima muriwo unovararamisa nekuda kwemisangano yawanda zvave kuita kuti vamwe vanonoke kupedza mabasa avo emuminda.

“Misangano iyi yave kutitadzisa kuenda kuma garden kwedu kuno tipa raramo. Zvema elections zvinopera asi isu tinoda kuramba tichirarama”

Vamwe vanoti vari kukanganiswa kukohwa.
Vamwe vanoti vari kukanganiswa kukohwa.


Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti kunonoka kukohwa kunoita kuti zvimwe zvirimwa zvipararire muminda uye zvinoderedza hunaku hwezvirimwa kana kuti quality.

“Kunonoka kukohwa kunoita kuti murimi arasikirwe nezvirimwa uye hazvizomupe mari yakawanda nekuderera kwe quality zvikuru sei donje”

Vamwe vagari vekumaruwa vataurawo neStudio 7 vanoti bato reZanu PFndiro riri pamberi kushevedzera misangano. Bato iri rinonzi rinoshevedzera misangano iyi dzimwe nguva rakabatana nesangano reForever Associates of Zimbabwe, FAZ, iro rinonzi rinotungamirwa nevasori uye rinopomerwawo mhsoav yekushungurudza vanopikisa hurumende.

Asi murongi wemisangano mubato reZanu PF, VaMike Bimha, vanoti bato ravo riri kuzadza vanhu kumisangano yavo sezvo vanhu vari kuenda nekuda kwavo vasingamanikidzwe.

VaMike Bimha veZANU PF
VaMike Bimha veZANU PF


“Vanhu vari kuzara kumisangano yedu hapana munhu ari kutinwa nepfuti kana nembwa”

Panyaya yekupa vanhu zvekudya pamwe nenhumbi dzekupfeka dzebato ravo senzira yekukwezva mavhoti izvo vari kupomerwa nemamwe mapato kuti kutenga mavhoti, izvo zvisingabvumirwe nemutemo wesarudzo, VaBimha vanoti havasi kushandisa midziyo kana mari yehurumende muzvirongwa zvavo.

Vanoti nhengo dzavo dzakapiwa migodhi neminda ndidzo dziri kubatsira bato ravo nemari, sezvo mari yavanopihwa nehurumende pasi pePolitical Finance Act iri shoma zvikuru.

“Nhengo dzedu dzakapihwa minda nemigodhi ndidzo dziri kutiyamura nemari pamwe nezvekudya kumisangano yedu sezvo mari yemapato ezvematongerwo enyika yatinopihwa nehurumende iri shoma zvikuru”

Nhengo yeparamende yakazvimirira ichimirira Norton, VaTemba Mliswa, avo vari kuparura hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro mangwana muNorton makare, vanopikisa mashoko aVaBimha aya vachiti zvinhu zvekudya zvinopihwa vanhu nebato reZanu PF ndezvehurumende.

VaMliswa vanokurudzira nhengo dzemamwe mapato anopikisa asina mari akaita seCitizen Coalition for Change kuti dziendewo kumisangano yeZanu PF kuti dzipiwewo zvekudya zviri kugoverwa izvi sezvo zviri zvehurumende.

“Hurumende iri kutonga ndiyo ine mari yose nekudaro vanhu endai kumisangano yeZanu PF munopihwa mafuta nehupfu zviri kupihwa nekuti ndezve hurumende”

VaTemba Mliswa
VaTemba Mliswa


Vakafanobata chigaro chasachigaro veCCC mudunhu reMashonaland West, VaRalph Magunje, vanoti bato ravo riri kutsvaka rutsigiro richitaura nevanhu richiita zvekupinda mudzimba dzavo, kana kuti door to door ,muchirongwa chavo chinozivikanwa nerekuti mugwazo, izvo vanoti hazvikanganisi vanhu kuita mabasa avo ezuva nezuva.

“Tiri bato rino tenda kuti munhu wese anofanirwa kupihwa mukana wekubudirira”

VaMagunje vanobvuma kuti bato ravo harina mari yakawanda yekutsvagisa rutsigiro nekuunganidza vanhu, asi vachiti havatendi mukupa vanhu mari nezvekudya kuti vavhoterwe, asi kuwanisa vanhu mikana yekuzvishandira kuti vararame vakasununguka.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa, reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti bato ravo riri kutaura nevagari pamwe nekuvapa zvinyorwa zvekuvazivisa nehurongwa hwavo kana vakunda.

“Isu tinotenda kuti munhu anofanirwa kutaurirana nevanhu vashoma vachinzwanana kwete zvema rally zvekuti vanhu vanenge vari kure nakure”

Ukuwo, mutauriri werimwe bato rinopikisa, reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, vakaudza Studio 7 kuti havasati vatanga kutsvaka rutsigiro zvakasimba sezvo vachakamirira dzimwe nhengo dzavo dzakarambirwa neZimbabwe Electoral Commission -ZEC, mapepa adzo ekuti dzikwikwidze musarudzo, danho ravari kukwikwidza kumatare.

Musangano weCCC kwaGutu.
Musangano weCCC kwaGutu.


Dzimwe nyanzvi dzinoongorora sarudzo dzinoti mutemo wekutenga mavhoti nemari, nezvekudya kana kupa vanhu nhumbi dzemapato unofanirwa kuvandudzwa kuti vose vanowanikwa vachiita izvi vasungwe.

Munguva ino yesarudzo vemapato ezvematongerwo enyika vanoita zvose zvekukwezva mavhoti vachivimbisa zvavanonzi havazokwanise kuzadzisa kana vachinge vazosarudzwa.

Vamwe vanosarudzwawo vanonzi vakavhoterwa vanobva vanyangarika vozonyuka zvakare munguva yasarudzo dzinotevera, vanonzi munguva dzekutsvaga rutsigiro vanoenda kumaruwa nezvikakarara zvemotokari dzavanopihwa kuparamende kunyange hazvo vachimbonzi havashanyire matunhu avanomirira vachityira motokari dzavo kuti dzinourayiwa nemigwagwa inenge isina kunaka.

Asi havasi vese vagari vari kunyunyuta sezvo vamwe vachinzi vanotowana chekuviri kubva kune zvekupfeka, zvekudya pamwe nemari munguva dzino dzesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG