Accessibility links

Breaking News

Vari Kukwikwidza muSarudzo Vopomerana Mhosva yeKubvarurirana Mapepa eKutsvagisa Rutsigiro


Mapepa eCitizens Coalition For Change akabvarurwa kuBulawayo.
Mapepa eCitizens Coalition For Change akabvarurwa kuBulawayo.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino ari kunyunyuta kuti magwaro enhengo dzawo ekutsvagisa rutsigiro, kana kuti ma campaign poster, ari kubvarurwa pamwe nekusvibiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato riri kutonga reZanu PF mumatunhu akawanda emunyika.

Izvi zviri kushoropodzwa nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, iyo inoti kubvaura kana kunamira bepa rekutsvagisa rutsigiro pamusoro peremumwe waunenge uchikwikwidzana naye imhsoav pasi pamutemo wezvesarudzo, weElectoral Act.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubazi rinoona nezvezvichemo muZimbabwe Human Rights Commission, Amai Kumbirai Makumbe, vaudza Studio 7 kuti vakatambira zvichemo zvine chekuita nenyaya dzesarudzo zvinosvika makumi matanhatu nechimwe mugore rino chete munyika yose, uye vati vachiri kuzviferefeta.

Vachitaura neStudio, 7 dzimwe nhengo dzeCCC dziri kumira musarudzo pamwe nevamamwe vari kukwikwidza vakazvimirira vanoti vari kubvarurirwa ma poster avo kunzvimbo dzakaita seGutu, Bulawayo, Harare, Gweru pamwe nekwaMutare.

Mumwe wevari kusangana nedambudziko iri mutori wenhau ane mukurumbira munyika uye akambotungamira sangano reZimbabwe Union of Journalists(ZUJ), VaMathew Takaona veTriple C, avo vari kukwikwidzana nenhengo yeZanu PF uye vari gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, mudunhu reGutu Central.

Mapepa ekutsvagisa rutsigiro.
Mapepa ekutsvagisa rutsigiro.

“Takati tanamira maposters edu veZanu PF vakauya vakambvisa vachipenda nekumabvarura,” vakadaro VaTakaona. Izvi zvatsinhirwawo nevari kukwikwidza vakamirira Triple C kuPelandaba-Tshabalala kuBulawayo uye vari mumwe wevatevedzereri vemutauriri webato rinopikisa iri, VaGift Ostalos Siziba, avo vati ma
poster avo anopfuura chiuru akabvarurwa.

“Takanamira 1000 posters asi arikubavururwa sezvirikutika kumwe kwese kuHarare nedzimwe nzvimbo,” VaSiziva vadaro. Bato reCCC rati rikuunganidza humbowo kuti vazomhan’ara nyaya yekubvarurirwa maposter kumapurisa pamwe neku ZEC.

Nhengo iri kumira musarudzo yakazvimiririra muMasvingo Urban vari meya veMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti ma poster avo ari kubavarurwa rakacheka nyika neveTriple C pamwe neveZanu PF.

“Varikubvisa maposters edu nekumabvarura masikati machena chaiwo,” VaMaboke vanodaro.

Izvi vanoti zvinokanganisa kutsvaga kwavo rutsigiro sezvo ma poster achibatsira kuvashambadza kuitira kuti vazivikanwe nevanozovhota.

Asi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, varamba mhosva iri kupomerwa nhengo dzavo vachiti vanopikisa havana rutsigiro zvoita kuti vatsvage zvisipo.

“Isu hatineyi nezvinoitika ku CCCC , ukauya chero kuno kuBuhera hakuna kana nhunzi ye CCCC saka varikushaya nyaya,” vakadaro VaMugwadi.

Ukuwo, bato reTriple C rarambawo mashoko ekuti nhengo dzaro dziri kubvarura ma poster enhengo dzakasarudza kuzvimirira musarudzo, sezviri kutaurwa naVaMartin Mureri varikumira muMasvingo Urban.

“Handina mutsigiri wangu wandinoziva ari kuita izvozvo kunaVaMaboke,” VaMureri vakaramba.

Mutauriri wemapurisa Assistant Paul Nyathi.
Mutauriri wemapurisa Assistant Paul Nyathi.

Zvichakadaro, bato reTriple C rinoti mapurisa ari kuenderera mberi nekurambidza misangano yaro richiti nhasi rarambidzwa kuita musangano kuZhombe rakazongokwanisa kuita mumwe chete uyo wataura mutungamiriri waro VaNelson Chamisa kuSilobela, sezviri kutaura naVaSiziba.

CCC inotizve mapurisa ekuChipinge akarambidza misangano yavo mitanhatu
yavange vachida kuita kutanga mangwana Mugovera kusvika musi wa19
mwedzi uno.
Mutsamba yatambirwa neCCC kuChipinge, mukuru wemapurisa weikoko, Chief Superintendent Goodwill Chinyanganya, vati misangano iyi yarambidzwa vachiti chiziviso chebato iri hachina kutevedzera mutemo we Maintenance of Peace and Order (MOPA).

Mutauriri wemapurisa munyika yose, Assistant Commissioner, Paul Nyathi, vati vanga vasati vanzwa nezve nyaya iyi vakati vanoda nguva yekubata vakuru vemapurisa munzvimbo dzarambidzwa misangano.

Ukuwo, mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Mdhuku, vaparura hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro kuChinhoyi.

Vari kukwikwidza vakazvimirira, uye vari mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa,
vari kutarisirwawo kuparura hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro neMugovera paPakare Paya kuNorton ikoko.

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa havana misangano yekutsvaga rutsigiro yavaita sezvo vakagamuchira mutungamiriri wenyika yeIran, VaEbrahim Raisi, nemusi weChina.

Asi vanotarisirwa kuita musangano nevatisigiri vavo musi weSvondo kwaChinorumba kuZaka.

Mutungamiri webato reTriple C, VaChamisa, vari kutarisirwawo kuparura
hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiri kuMkoba kuGweru neSvondo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG