Mutungamiri wenyika nebato riri kutonga reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano kuZaka, kuMasvingo uko vaudza vanhu vanhu kuti vari kuomesera vamwe vekuChina vari kutyora mitemo yenyika.
VaMnangagwa vati, “Kuno kune Bikita Minerals yelithium takaitauririra kuti aiwa ngaitipe programme, kudhara vainge vachingotora zvicherwa zvedu vasina kuzviita beneficiate vachizviendesa kunze tikati kwete.”
Vaenderera mberi vachiti “Vakambotanga vachiita chitsotsi husiku vachitakura zvinhu vachiedesa kunze. Vanhu vedu vakazviona. Ndikavadana kuState House, maChina iwayo ndikati musagare pasi rambai mumire ndichitaura nemi. Muzive kuti pamberi paMambo. Izvi neizvi handizvidi, mazvihwa here?...ndambokuregererai kwanhasi mukadzokorora bhutsu modzokera.”
Asi vamwe vakaita semukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu vari mune zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti hakuna zvakawanda zviri kuwanikwa nenyika muzvicherwa sezvo vamwe vekuChina vacho vachiramba vachiita havo madiro aJojina.
VaMnangagwa vatiwo mapato ose ari kubvumidzwa kutsvaga rutsigiro murunyararo. Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinogara richichema chema kuti vamwe vemakambani ekuChina havatevedzere mitemo yenyika. Muzinda weChina muZimbabwe unoti pane vashoma vanoita izvi asi kuti kwete vose vanobva kuChima.
Asi anopikisa kunyanya vebato reCitizens Coalition vane misangano inodarika misere yarambidzwa kuitwa nemapurisa svopndo rapera chete. Vamwe veCCC vari kukwikwidza musarudzo vakasungwa kuMasvingo, Kwekwe, Mashonaland Central nekuManicaland.
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vakamboda kuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro kuBindura, Mashonaland Central svondo rapera asi vakarambidzwa nemapurisa.
Mashoko ekuti vanopikisa vari kutadza kunyatsotsvaga rutsigiro atsinhirwawo nasachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti vanopikisa vari kusangana nezvimhingamupinyi. VaMnangagwa vatiwo hapana munhu anofanira kuziya nenzara munyika sezvo muine chikafu chakakwana.
Asi vakawanda vanoti vari kunonga svozve nemuromo uye vave kutobatsirwa nemasangano akaita seWorld Food Programme.
Forum