Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzirwa Kubayisa Vana Nhomba Kuti Vasaite Mahumunya Anogona Kukanganisa Sikarudzi


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vabereki kuti vabayise vana nhomba dzose dzinokurudzirwa kudzivirira zvirwere zvakaita segwirikwiti, nemahumunya ayo anokwanisa kuvhiringidza vanakomana zvokutozovashaisa mbereko mune remangwana.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vaudza Studio 7 kuti mahumunya anokonzerwa nehutachiwana hunopinda nemumhuno kana nemumuromo.

Vaendera mberi vachiti vabereki vanofanira kukurumidza kuenda kunorapisa mwana anenge aita mahumunya nokuti anogona kuuraya mwana kana kuvhiringidza nhengo dzekusikarudzi.

Imwe nyanzvi yezvehutano Dr Life Zambezi vanoti kubayisa vana nhomba yegwirikwiti kunoderedza hukasha hwemahumunya nokudaro mwana wese zvake anekodzero yekurarama aine hutano hwakanaka.

Vaendera mberi vachitsinhirawo zvakare kuti mahumunya aya anogona kukanganisa sikarudzi yevanakomana.

Doctor Zambezi vanoti mwana ane mahumunhya haafanire kutamba nevamwe vana kusvikira mahumunya acho apera nokuti anotapuriranwa zvakanyanyisa.

Mazvikokota munyaya dzezvehutano wemishonga yechivanhu, Dr William Nyarota, vanoti pane mishonga yechivanhu inorapa mahumunya asi vanoti zvakakoshawo kuti mwana wese abaiwe nhomba dzose achiri mudiki kuitira kuti vasazokurirwa nezvirwere.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation muna Gunyana gore rakapera, yakratidza pachena kuti vana zviuru zvinomwe nemazana manomwe nemumwechete, kana kuti 7 701 vakarwara nedenda iri uye vana mazana manomwe nemakumi mana nevanomwe, 747, vakafa muZimbabwe negwirikwiti.

Kufa kwevana vakawanda kudai kwakakatyamadza bazi rezvehutano nemapoka ose zvawo anoona nezvekuchengetedzwa kwevana zvikuru reUNICEF, sezvo nyika ino ichizivikanwa seimwe yenyika dzepasi rino dzinokoshesa hutano hwevana.

Asi asi basa iri ririkuvhiringidzwa nevabereki vasingade kurapisa vana vavo zvikuru vamwe vechipositori vasingadi kuti vana vaende kuchipatara zvikuru vegungano reJohane Masowe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG