Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC Iri Kukwikwidza Musarudzo dzeMakanzura Yotiza Musha


Vari kukwikwidza kuita kanzura weWard 8, uye vakamirira bato reCitizens Coalition for Change mudunhu reHunyani, Amai Catherine Chandiwangirira, nezuro vakatiza pamba pavo mushure mekunge vanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu PF, vasvika pamba pavo vachivavhundutsira nekubuditsa zvinhu zvavo mumba, vachiti nzvimbo iyi haisi yevanhu vemapato anopikisa.

Vachitaura neStudio 7, Amai Catherine Chandiwangirira vati pakaitika zvese izvi, ivo vaive vaenda kuGweru, uko kwainge kuchiparurwa zviri pamutemo, hurongwa hwekutsvaga rutsigiro kwebato ravo.

Asi vanoti kubva nezuro, havasati vakwanisa kusvika kumba nekuti vari kutya. Amai Chandiwangirira vati, “Kuitira hupenyu hwedu, nezuro manheru hatina kukwanisa kuenda kumba, nekuti takanzwa kuti vakanga vakaungana.”

Vaenderera mberi vachiti, “Nhasi wacho veZanu PF ivava vanga vachinzi vaita rally pedyo nepamba, saka hatisati takwanisa kusvikako. Vamwe vedu vari kutenderera ikoko vari kuti titobva pamba ipapa nekuti hapasisiri safe. Izvozvi vana hatizivi kwavari nekuti mumwe ari kwake, mumwe kwake, vakavata mudzimba dzevanhu.”

Vari kukwikwidza kuva mumiriri wedunhu reHunyani mudare reparamende, vakamirira bato reCCC, VaLovemore Chinoputsa, vatsoropodza chiitiko ichi, asi vakati kunyange zvakadaro, vane chivimbo chekuti vachakunda zvine mutsindo. Vati, “Isu hativhunduki nekuti tinozviziva kuti kana Zanu yapererwa ndizvo zvainoita zvemhirizhonga."

Vatiwo, "Asi tinotenda rutsigiro rwatiri kuwaniswa nevagari vemuHunyani, varikuti seCCC rambai muchiita zvamuri kuita, naizvozvo basa redu rekutsvaga rutsigiro, hatisi kumira.” Vatizve, “Kune vamwe vedu vekuZanu PF, ngavazive kuti mutambo uyu haufaniri kunge uine mhirizhonga, naizvozvo ngavazvibate. Inonzi state land ndeyemunhu wese, kwete vanhu veZanu PF. Tine chivimbo chekuti tichakunda zvine mutsindo musarudzo dziri kuuya.”

Asi vari kukwikwidzawo kumirira nzvimbo yeHunyani mudare reparamende, vakamirira Zanu PF, VaTongai Mnangagwa, varamba kuti vatsigiri vavo ndivo vakaita izvi. VaMnangagwa vati, “Handina kumbonzwa nezvemhirizhonga yamuri kutaura nezvayo.” Venderera mberi vachiti, Zvichida vanhu vaida kutoparawo mhosva, nekuti hakuna kana munhu mumwechete akarohwerwa zvematongerwo enyika kuHunyani. Vandiri kutokwikwidza navo vanin’ina vangu, uye vatori nemabhizimusi muConstituency, uye tinogara tichionana mazuva ose. Ndinotoshamisika kunzwa kuti pane vanotiza mudzimba.”

Mutauriri wemapurisa eZRP mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vati semapurisa, vanga vasati vanzwa nezvemhirizhonga yakaitika kuHunyani iyi, vakati tibatewo mutauriri wemapurisa nyika yese, Assistant Commissioner Paul Nyathi. Inspector Chikanza vati, “Batai VaNyathi, vanogona kunge vanzwa nezvayo nyaya yacho, ini handisati”

Asi VaNyathi vange vasir kubatika panharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Sachigaro vekomishini inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti kana sarudzo dzikasaitwa murunyararo, zvinogona kukonzeresa gakava. VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti, “Chishuwo chedu chekuti vanhu vaende kusarudzo vaine runyararo, ndiko kuti sarudz idzi dzinzi dzaitwa zviri pachena.” Vatizve, “Tinoda kutenda mutungamiri wenyika vari kuparidza runyararo pese pavanenge vari. Isu sekomishini tine vanhu vari munzvimbo dzakasiyana-siyana, vari kuongorora mamiriro ezvinhu apo tisati tasvika musi wesarudzo. Tichazivisa kuti nhunzvatunzva dziri kuita mhirizhonga iyi ndedzipi.”

Nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, VaGoodwin Mureriwa, vanoti zvakakosha kuti vari kutsvaga rutsigiro rwemavhoti vasambunyikidze vavari kukwikwidzana navo. VaMureiwa vati, “Vamwe vanoda kupinda muzvigaro kubudikidza nechisimba, saka vanoti vavanoda kuti vavavhotere, vanovatengera doro nechikafu.” Vatizve, “Ivavo vanenge vapiwa izvi, nekudawo kufadza mupi, vanobva vati rega tityityidzire vanhu, kuitira kuti vavhotere wavanoda. Asi sarudzo hadzidi kudaro, dzinoda kuti dzisununguke, vanhu vasarudze munhu wavanoda, tisaputse hukama.”

Kumbunyikidzwa kwevari kukwikwidza musarudzo dzegore rino, kunyanya vebato rinopikisa reCCC, kuri kuramba kuchienderera mberi, uye vatsigiri veZanu PF ndivo vari kupomerwa mhosva iyi, kunyange vachiiramba nguva nenguva. Vamwe vari kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru vakamirira CCC kuMasvingo vakaendawomuhupoteri vachiti kwaberekera ingwe. Musvondo rimwe chete mwedzi wapera, sangano rinorwira kodze5ro dzevanhu rakati ongororo yarakaita yakaratidza kuti vanhu makumi mana vainge vambunyikidzwa zvikuru nevasori vari musangano reFAZ nevatsigir veZanu-PF nevamwe varwi vehondo yerusungunuko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG