Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yovhara Kariba Border Post


ZIMRA
ZIMRA

Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA yaburitsa mashoko kuvatori venhau ichizivisa kuti bhodha repaKariba pamuganhu neZambia richambovharwa kutanga musi wa 20 Chikunguru.

ZIMRA inoti huwandu hwemabhazi uye vanhu vari kuda kupinza motokari dzavo munyika vachibva nekuZambia hwawandisa kudarika hwaitarisirwa pakavakwa AKariba Border Post.

Nekudaro, vanhu vanzi vashandise Chirundu Border Post. Taedza kubata mutauriri weZIMRA VaFrancis Chimanda asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yavati tivatumire .

Munyori mukuru we sangano rinomirira vanotenga nekutengesa kunze re Zimbabwe Cross Border Traders Association, VaAugustine Tawanda vaudza Studio 7 kuti kuvharwa kweKariba Border Post kuchakanganisa zvikuru mabasa avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG