Meya veguta reKadoma Amai Tendai Kokera vari kukurudzira vanoita zvekutengesa mumigwagwa muguta ravo kuti vayedze kusapfeka mbatya dzinoratidza vavanotsigira musarudzo senzira yekuzvidzivirira kubva kumhirizhonga yezvematongerwo enyika enyika apo nyika yakatarisana nesarudzo mwedzi uno uya.
Amai Kokera vanoti kunyangwe pasati pave nevanotengesa mumigwagwa vemuguta ravo vakauya vachitaura kuti vari kusangana nedambudziko remhirizhonga dzimwe nzvimbo munyika dziri kusangana nekushungurudzwa kwevanotengesa mumigwagwa panguva ino.
“Ini ndagara ndichishanda nevanotengesa mumigwagwa ndisati ndambove meya weguta reKadoma saka ndinonzwisisa zvinodiwa kuti munhu akwanise kunyatsoita chouviri kubva mubasa iri,” Meya Kokera vaudza Studio7.
Vanoti makambani mazhinji emuguta ravo ane bmukurumbira akavharwa izvo zvave kuti guta ravo rikoshese vanotengesa mumigwagwa sezvo variivo vari kubhadhara mitero iri kushandiswa neguta iri,
“Tiri kuwana mitero kubva kune vanotengesa mumigwagwa sezvo vari ivo voita mabasa akasiyiwa nemakambani makuru aimbove muguta redu,” Meya Kokera vaenderera mberi.
Forum