Muzinda weAmerica muZimbabwe wabatana nevatori venhau nevanorwira kodzero dzevanhu mukushora kurohwa kwakaitwa vatori venhau kusanganisira mumwe weStudio 7 Annahstacia Ndlovu kuBulawayo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF nezuro.
Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journaists, kana kuti ZUJ Perfect Hlongwane ati sangano rake rinoshushikana zvikuru nekushungurudzwa, kwakaita vamwe vatori venhau vaiita basa ravo muBulawayo nezuro vanosanganisira Muzvare Annahstacia Ndlovu.
Vamwe vatori venhau vaviri Pamenus Tuso naLungelo Ndlocu vanonzi vakabva vachiita zvekutiza.
Hlongwane ati sesangano vange vasingatarisire zvakadai sezvo vakaita misangano nevemapato ezvematongerwo enyika kusanganisira Zanu PF senzira yekuedza kuti vabatsire kuchengetedzeka kwevatapi venhau pavanenge vachiita basa ravo. Ati “Tinofunga kuti izvi hazvina kufanira uyezve hatifaniri kuti tinge tichiva nevanhu vanoita mhirizhonga pakati pedu." Aenderera mberi achiti, " Sevatori venhau tine basa guru rekuzivisa vanhu zviri kuitika munyika naizvozvo tinofunga kuti vezvematongerwo vanofanirwa kutungamira pakuparidza nezverunyararo.”
Hlongwane ati veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti vatori venhau havasi mhandu asi kuti vanoita basa rakakosha rekuzivisa zvinenge zvichiitika munyika. Ati, '“Tinoti mhirizhonga uyezve vezvekubudiswa kwemashoko nevatori venhau havasi vavengi venyika havasi vevengi vezvemapato ezvematongerwo, haasi makororo asi vanhu vanotoirawo basa ravo zvakanaka.”
Tuso anova nhengo yebhodhi reMISA, anoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Audza Studio 7 kuti, “Tiripakati mekuita maintweview ndipo pakabva pauya vanhu vaive vakapfeka maTshirt akanzi ‘Vote ED’ vakati musatora ma video tikati tinogorega sei isu tiri vatori venhau?
Atiwo, " Ndipo pavakabva vatotanga kuattacker Annahstacia vachimurova nemambama nekumubatabata nenzira isina kunaka. Vamwe vakauya kwandiri ndikavandisa camera yangu ndokubva ndatiza asi ndakarohwa mbama.”
Muzvare Ndlovu vaonekwa navanachiremba nhasi uye vasvitsa magwaro ekuongororwa kwavo kumapurisa sezvinotarisirwa panyaya yakadai.
Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA Zimbabwe Chapter, VaTabani Moyo vashorawo chiitiko ichi vakati itarisiro yavokuti mapurisa achabata achaferefeta nekusunga vari kupomerwa mhosva yekurova vatori venhau ava.
“Tinoramba tichitsinhidzira kuti mapurisa ngaatibetserewo nekubata nhunzvatunzva idzi nekuita basa nemazvo.” Moyo audza Studio 7
Mutauriri wemapurisa muBulawayo Assistant Inspector Nomalanga Msebele kuti tinzwe divi remapurisa asi vati tibate mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Assistant Commissioner Nyathi vati vachiri kuferefeta nyaya iyi sezvo yakamhan’arwa nezuro. Vati vachazozivisa zvinenge zvabuda nekufamba kwenguva.
Taedzawo kubata munyori mukuru mubazi rezvekufburitswa kwemashoko VaNick Mangwana asi nharembozha yavo yange isingapinde.
Mutauriri webato reZanu PF mudunhu reBulawayo VaArchie Chisango vabvuma kuStudio 7 kuti vakanzwa nezvechiitiko ichi icho vati vanoshora zvikuru sezvo chichivhiringidza kuchengetedzwa kwerunyararo kwavati kunokurudzirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vanovewo mutungamiri webato reZanu PF.
VaChisango vati, “Sebato tiri kuita ongororo yedu kuti tizive kuti vanonzi vakaita izvi ndivanaani chaizvo kuitira kuti mutemo uzadzikiswe." Vatiwo, "Kana vakaonekwa kuti inhengo dzemusangano zvechokwadi tichatora matanho anoenderana negwara remusangano panyaya dzakadai uyewo zvinoenderana nemutemo wenyika.”
Nyika yakatarisana nesarudzo mwedzi unouya uye VaMnangagwa vari kugara vachikururdzira kuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo.
Asi mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vari kupomerwa mhosva dzekuita mhirizhonga vasiri kusungwa.
Zvichakadaro, Mapurisa anyora padandemutande ravo reTwitter kuti ave kuferefeta mutevedzeri wegurukota rezvekushanyirwa kwenyika Muzvare Barbra Rwodzi vari kunzi vakafonera mumwe mupurisa vachimutyisidzira nekumutuka kuti ainge achida kuendesa kumatare mutsigiri weZanu-PF kwaChirumanzu.
Mutsigiri weZanu-PF uyu, Fidelis ”Danger” ari kupomerwa
mhosva yekubvarura mapepa ekutsvaga rutsigiro eCCC kwaChirumanzu.
Forum