Nyanzvi dzehutano dzakawanda munyika dzinoti madzimai echidiki akawanda, kunyanya vari muzvikoro zvedzidzo yepamusoro-soro, vave kushandisa zvisina kunaka, piritsi rekudzivirira kubata pamuviri, kana kuti morning after pill, izvo zvinogona kukanganisa hutano hwavo.
Mumwe wechidiki akambodzidza paBindura University of Science Education, Tellmore Kupara, anoti dzimwe nguva rudo rwunoputira madzimai echidiki, vopedzisira vava kumwa mapiritsi aya zvakanyanyisa.
VaKupara vati, “Unenge uchidanana nemukomana wako, mobva mawirirana kuita zvebonde, rakadziviririka kana kuti risina."
Vatiwo, "Tomboti maita makadzivirira asi condomu robvaruka, mukomana anogona kuti inwa morning after nekuti anenge asingadi kuti musikana aite nhumbu. Semusikana, anenge uchida munhu wake, uyewo asingadi kubata pamuviri, unopedzisira wangonwa, chero usingadi.”
Mumwe wechidiki anoshanda nesangano rinomirira kodzero dzevadzidzi vechidzimai, re Female Students Network Trust, VaNorbert Kuvamudiki, vanoti dzimwe nguva hurombo ndiwo huri kusundira vasikana ava mukushandisa piritsi reMorning after. VaKuvamudiki vati, “Vari kusangana nevarume vakuru kwavari zvakanyanya, vane mari, vanoramba kushandisa zvakaita semacondom kuzvidzivirira."
Vatizve, "Kunyange kazhinji kacho varume ava vachinge vachirwara, vasikana zvinozovanetsa kuramba nekuti vanenge vachidawo mari nekuti zvinhu zvaoma munyika. Chimwe ndechekuti vasikana ava havashandisi maCondom echidzimai kuzvidzivirira, vachida kuti munhurume wavari kusangana naye apfeke iye. Tiri kuzoona madzimai nevasikana ava vachigona kusazobata pamuviri, asi zvimwe zvirwere zvepabonde.”
Chiremba wechidiki, Dr Misheck Ruwende, vanotsanangura pamusoro pezvimwe zvinogona kukanganisika mumuviri wemudzimai anoshandisa piritsi iri zvisina mwero.
Doctor Ruwende vati, “Parinomwiwa nguva iyoyo, munhu anogona kunzwa dzungu, kuchaya, nekunzwa mudumbu nemusoro kurwadza."
Vatizve, "Rikanyanya kumwiwa rinogona kukanganisa kuteera kwemudzimai zvekuti anogona kuteera kaviri pamwedzi, kana aimboita kamwechete. Chimwe zvekare ndechekuti piritsi iri kana richienzaniswa nedzimwe mhando dzekudzivirira pamuvuri, riri pasi zvakanyanya.”
Dr Ruwende vanokurudzira madzimai kuti vasashandisa piritsi iri zvakapfurikidza.
Vati, “Dambudziko ratiri kuona nderekuti vechidiki vave kushandisa piritsi iri pese-pese, zvinova zvisizvo."
Vaenderera mberi vachiti, "Ukaona wava kutora piritsi iri kanodarika kamwechete pamwedzi, ziva kut wave kutorishandisa zvisirizvo. Rinofanira kushandiswa chete, kana dzimwe nzira dzekudzivirira pamuviri dzaramba, zvakafanana nekuti condom rinogona kunge rabvaruka kana rabvisika, kana kuti vanege vakanganwa kunwa maBirth control pills avo. Asi sekutaura kwepiritsi iri kuti ndereEmergency, tinokurudzira kuti risashandiswa pese-pese.”
Asi wechidiki anorwira kodzero dzemadzimai, Amai Tapiwanashe Simango-Muzawanga, vanoti varume ndivo vanokonzera kuti madzimai echidiki nevasikana vamwe mapiritsi aya. Amai Simango-Muzawanga vati, “Vasikana vari kumanikidzwa mevarume kutora mapiritsi aya."
Vaenderera mberi vachiti, "Kumanikidzwa uku kuri paviri; unogona kunzi chitonwa izvozvi, kana kuti maitiro emunhu anokusiya usina zvimwe zvekuita, kunze kwekunwa. Musikana kana akanzi hameno hako ukaita nhumbu, iye ofungawo kuti mari yekuchengeta mwana anozoiwanepi, zvekare nekusekwa munharaunda kunzi akaita mwana asina baba, zvinoita kuti vasikana vanwe maMorning after. Saka varume vari kumanikidza madzimai, asi zvisiri pachena.”
Asi mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanhurume, reVarume Svinurai/Vukani Madoda, VaThemba Nzounhenda, vanoramba kuti varume vanomanikidza madzimai avanenge vaita bonde nawo mukutenga piritsi iri.
VaNzounhenda vati, “Tikaita tsvakurudzo tinogona kutozoona kuti varume vashoma vanoziva nezvemapiritsi iwayo."
Vatiwo, "Panopera bonde, kashoma kuti varume varambe vachifunga nezvazvo, asi vanozodzamisa pfugwa madzimai, vanozofunga kuti ndichazodii. Saka ndiwo madzimai vanozomwa mapiritsi aya, mushure mekufunga kuti kana ndikabata pamuviri, murume uyu akanditiza, ndichazovei nemwana achazozvarwa ipapa. Saka kungoda kupomera varume senguva dzose, asi vanenge vasina mhosva apa.”
Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dzinoti kushandiswa kwepiritsi reEmergency contraception pill, kuri kuita kuti vasikana vabatire zvimwe zvirwere zvepabonde, nekuti chavanenge vachida kudzivirira, pamuviri chete, vachikanganwa zvimwe zvirwere zvepabonde.
Ana chiremba vanokurudzirawo vasikana vabva zera kuti vasashandise maMorning After nguva dzose, asi kuti vasarudze dzimwe nzira dzekuzvidzivirira nadzo.
Forum