Accessibility links

Breaking News

Amai Valerio Vova Mudzimai Mumwe Chete Achakwikwidza Sarudzo yeMutungamiri weNyika Gore Rino


Amai Elizabeth Valerio
Amai Elizabeth Valerio

Sarudzo yemutungamiri wenyika yave kuzokwikwidzwa nemudzimai mushure mekunge dare reElectoral Court rapa mutongo wekuti mutungamiri webato rinopikisa reUnited Zimbabwe Alliance, Amai Elisabeth Valerio vave kukwanisa kukwikwidza mudsarudzo mushure mekunge vamborambidzwa neZimbabwe Electoral Commission zvichinzi vainge vanonoka kubhadhara mari.

Mutongi VaSamuel Deme, vatura mutongo wekuti ZEC, yakakanganisa nekusatambira mapepa aAmai Valerio ekunyoresa kuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaDeme vati mapepa anga ari pamberi pedare anoratidza kuti Amai Valerio vakabhadhara mari yaidiwa neZEC nenguva saka hapana chikonzero chekuti vatadze kukwikwidza musarudzo idzi.

ZEC yange ichipa chikonzero chekuti mari yakabhdharwa naAmai Valerio yakazopinda mubhuku rayo padarika zuva rimwe kubva musi wakabhadharwa mari iyi unova musi wakagara dare rekutambira magwaro evaida kukwikwidza musarudzo dzemwedzi unouya reNomination Court.

Dare rati ZEC itore matanho ose ekuona kuti zita raAmai Valerio richange riri pagwaro revanhu vachange vachivhoterwa pasarudzo yemutungamiri wenyika kana kutiu ballot paper musi wa Nyamavhuvhu 23.

Gweta raAmai Valerio, VaAlec Muchadehama, vatenda kuti izvi ndizvo zvabuda mudare. “Dare guru reHigh Court razobvumirana nesu kuti ZEC yange yakanganisa saka dare iri razoti ZEC inofanira kutora matanho ose kuti inyorese kuti President Valerio vange vari pabepa rinovhoterwa vanhu,” Vadaro VaMuchadehama.

Amai Valerio vatiwo vafara nemutongo uyu. Vaudza Studio 7 kuti, “Kunyange hazvo nguva yafamba, tanga tichida kuti tigonewo kupinda muma constituencies ose kubva musi wa 21 June."

Vaenderera mberi vachiti, "Asi zvakaramba patakaenda ku nomationan court asi ndiri kufara kuti manje ndapihwa mvumo yekuti ndichanyatsopinda pane vanhu vazivewo kuti pana president wechidzimai ari kuda kukwikwidza muma elections musi wa 23 August saka dai mukangonovhota musi wa 23 tisarudze President Elisabeth Valerio.”

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa vange vari mudare nhasi vaudza Studio 7 kuti vafara nemutongo uyu. Vati, “Ivo vakazoenda kumatare edzimhosva kuHigh Court vachiramba nyaya yekuti vavharirwe panze nenyaya yekuti vanzi vatadza kuisa mapepa avo nemhosva isiri yavo iri nyaya ye economy yedu yekuti mari dzedu idzi hadzinyatsonzwisisika saka tinofara zvikuru kuti High Court yazviona zvakakodzera kuti vabatanewo nemamwe eleven ma presidential candidates,”

Vatiwo, “Tiri kutarisirawo kuti Muzvare Linda Masarira president veLEAD vachabudirirawo zvakare. Tinoramba tichikorokotedza madzimai aya nehushingi nekuramba vakabatirira vachirwira kodzerodzavo nekuti dai vasina kudaro pasina kana mudzimai ari kukwikwidza.”

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiri wesangano reFemale Students Network, Muzvare Evernice Munando. “Tinoda kuti kuna Amai Elisabeth Valerio tiri mumashure menyu, tinemi murwendo rwamuchafamba rwekukwikwidza saPresident makamiririrawo madzimai emuno muZimbabwe." Muzvare Munando vaudza Studio 7. Vatiwo, "Tiri kunzwa mukuru mukuru chaizvo tichafamba nemi tichikukurudzirai pasarudzo dzamuchasangano nadzo. Chishuwo chemwoyo yedu kuti dai madzimai tabatana navo amai ava tavakurudzira mukufamba rwendo rwukuru rwavachafamba. Tinongoti rambai makadaro ; zvichaita zvakanaka; matidadisa.”

Sachigaro vebato reUZA mudunhu reHarare, VaTendai Kayemba, vati mutongo waturwa nedare unoratidza kuti matare achiri kushanda akazvimirira.

Kunyange hazvo dare rabvuma kuti Amai Valerio vakwikwidze pachigaro chemutungamiri wenyika, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati danho iri rauya vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi vasakura ndima kare pakatariswa nguva shoma yasara kuti sarudzo dziitwe. VaMukundu vati, “Saka ndozvimwe zviratidzo zvekuti sarudzo idzi hadzina tsarukano pakuti zuva ranhasi unonzi haupinde mangwana waenda kudare wonzi pinda apa vamwe vanga vafamba nendima kudhara."

Vatiwo, "Tinoona zvakare kuti pane kahudzvanyiriri kari kuitika kumadzimai. Taona kuti madzimai ari kukwikwidza musarudzo mukati menyika yeZimbabwe mungava mukuda kutungamira nyika sa president, kungave kuda kuita mutungamiri wematunhu, nhendo dzeparamende kana makanzuru zvese izvi zvadzika.”

Amai Valerio vachange vachikwikwidzana nevanhurume gumi nemumwe musarudzo yemutungamiri wenyika. Vavachange vachikwikwidzana navo vanosanganisira VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF, VaNelson Chamisa vebato reCitizens Coalition for Change, VaDouglas Mwonzora veMDCT, VaLovemore Madhuku vebato reNational Constitutional Assembly, nevamwe.

Asi huwandu hwevachakwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika huchanyatsozivikanwa kana dare repamusorosoro reSupreme Court ranzwa chikumbiro chevaimbova gurukota rezvematunhu muhurumende yamushakabvu Robert Mugabe, VaSaviour Kausukuwere, avo vakakwira kudare iri mushure mekunge dare repamusoro ratura mutongo wekuti havafanire kukwikwidza musarudzo idzi richiti vane nguva refu vasiri munyika.

VaKasukuwere vanoti demo redare rakatema nepasipo. Asi VaLovedale mangwana vakavaendesa kudare vanoti kuvabvumidza kukwikwidza kutyora mutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG