Makundano makuru emutambo wenhabvu yemadzimai kana kuti Women’s World Cup uri kutanga mangwana uchitambirwa munyika mbiri dzinoti New Zealand neAustralia.
FIFA inoti iri kufunga kuti aya ndiwo makundano achaonekwa nevanhu vakawanda kudarika mamwe ose munhoroondo yenhabvu yemadzimai.
Nyika makumi matatu nembiri ndidzo dzinenge dziri kumakwikwi aya.
Muna 1991 pakatanga makwikwi aya nyika gumi nembiri chete ndidzo dzaikwikwidzana.
America ndiyo ine mukombe uyu parizvino uye iri kutarisira kuusimudza kechitatu kakatevedzana zvisati zvamboitika munhoroondo yemutambo wenhabvu.
Nyika iri pamusoro soro pahunyanzvi iUnited States ichiteverwa neGermany, Sweden, England neFrance.
Australia iri pachidanho chegumi kuchiti New Zealand pachidanho chechimakumi maviri nematanhatu kana kuti 26th.
Mutambo wekutanga uri pakati peNew Zealand ne Norway ku Eden Park, Auckland mangwana uchizoteverwa maawa mashoma nemumwe pakati kuSydney pakati peAustralia neIreland.
Vaimbova sachigaro wesangano renhabvu yemadzimai kana kuti Women's Football League Amai Miriam Sibanda vanoti pane zvakawanda zvinogona kudzidzwa neZimbabwe pakukosha kwenhabvu yemadzimai.
"Tinowona kuti sangano reFIFA rinokoshesa nhabvu yemadzimai saka tiri kutarisira kuti sangano reZIFA richaita zvese zvarinogona kuyedza kusimudzira nhabvu yevanhukadzi,." Amai Sibanda vaudza Studio7.
Forum