Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naDr. Solomon Mutetwa, vanove chiremba vezvehutano vari muPetersburg, mudunhu reWest Virginia muAmerica.
Dr. Mutetwa vakambodzokera kuZimbabwe muna Mbudzi wegore rapera uko vakanovhura kiriniki kana kuti surgery kuEastlea muHarare, vaine chinangwa chekuti vabatsirewo vana veZimbabwe sezvavari kuita kuno kuAmerica.
"We arranged kuti munhu wese ane problem yechirwere, chingave blood pressure, diabetis, asthma, depression, anxiety, all those things as a family physician tinokwanisa kuzvirapa, just like zvandiri kuita kuno uku," vanodaro Dr. Mutetwa.
Dr. Mutetwa vanoti kiriniki yavo inobatsirawo varwere vese vanenge vauya kwavari zvisineyi nemamiriro ehomwe dzavo.
"Even maZimbabwean akauya vanenge vasina mari, taingovaonawo. Saka chido changu ngechekubatsira maZimbabwean ndichi extender knowledge yandakawana kuno uku ndichibatsira maZimbabwean.”
Vanoti vari kuwanawo varwere vakawanda vari kutumirwa kwavari nevamwe vana veZimbabwe vari kunze kwenyika.
Mune ramangwana, Dr. Mutetwa vanoti vane tarisiro yekuvaka kiriniki kumusha kwavo kwaMuzokomba kuBuhera South kuitira vabatsire veko sezvavari kuita kumwe kwese kwavari kushandira.
Panyaya yesarudzo dzatarisana nenyika dziriko mwedzi unouya, vanokurudzira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vakasununguka vanokwanisa zvavo kuenda kumusha kunovhota kuti vaende, vachiti hurumende inosarudzwa nevanhu vakawanda ihurumende yakasimba.
"Zvinobatsira nekuti government inenge yavhoterwa nevanhu vakawanda," vanodaro Dr. Mutetwa.
Vanoti vanoda kubata kiriniki yavo kuti vabatsirwe vanokwanisa kufona panhamba dzinoti +263 780 018 814.
Forum