Accessibility links

Breaking News

Dare Rombomira Kutura Mutongo paNyaya Yekuda Kurambidza Nhengo dzeCCC Kukwikwidza muBulawayo


Gift Ostallos Siziba Citizens Coalition For Change
Gift Ostallos Siziba Citizens Coalition For Change
Dare reHigh Court muBulawayo rasendeka parutuvi mutongo panyaya yevamwe vanhu gumi nevaviri vakakwira kudare iri vachiti vanoda kuti rimise kukwikwidza kwevanhu gumi nevaviri vari kumirira bato reTriple C vachiti vakanonoka kuendesa mapepa avo kuNomination Court.
Mutongi wedare VaBongani Ndlovu vati vachazivisa pazuva ravasina kudoma mutongo wavo panyaya yekuti vanhu gumi nevaviri vari kumirira bato reTriple C ava vomisa kukwikwidza musarudzo dzemwedzi unouya here kana kuti kwete.
Gweta revanhu gumi nevaviri vakakwidza chikumbiro ichi kudare VaThembinkosi Magwaliba vatsanagura kuStudio 7 chikumbiro chavo kudare. Vati vane chokwadi chekuti pane mutemo wakatyorwa vachiti vebato reTriple C ava vakabvumidzwa kunyoresa mazita avo mushure menguva yakatarwa. VaMagwalimba vati, “Isu tine confidence necase yedu nekuti dai tanga tisina confidence tingadai tisina kushingirira mazuva maviri tichitsanangura nyaya yedu kudare. Saka takauya kuno kuti tizoisa nyaya yedu pachena and tine confidence dzekuti nyaya yedu ine musoro.”
VaMagwaliba vati vane chokwadi chekuti chikumbiro chavo chichatambirwa.
Asi kubvira pekutanga gweta riri kumirira Zimbabwe Electoral Commission VaTawanda Kanengoni vakaramba kuti hapana mutemo wakatyorwa vachiti veZEC vakaita basa ravo sezvakafanira.
VaKanengoni vanotiwo chikumbiro ichi chinofanirwa kuraswa sezvo chakakwidzwa kudare risiro.
Magweta ange achimirira nhengo dzeTriple C anosanganisira Professor Welshman Ncube, VaThabani Mpofu naVaJeremiah Bamu.
Magweta aya ange achibvumirana negweta reZEC.
Rimwezve gweta reTriple C VaTinashe Runganga vaudza Studio 7 kuti maonero avo ndeekuti vakakwidza chikumbiro ichi kudare havana kupa humbowo hwakakwana kudare kusanganisira kuti sei vachiona vane chekuita nenyaya iyi.
Vati “Tasimudzazve issue yekuti ko ivo interest yavo Munya gays iyi ndeyei nekuti havazi kukwikwidza musarudzo, vanhuwo vakatoregister kuvhota. Hapana chinovatadzisa kuti kana musi wa23 wasvika vavhotere munhu wavo wavanoda.”
Zvichakadaro gweta range rakamirira imwe kambani yenhau reCentre for Innovation and Technology kana kuti CITE VaKucaca Phulu vati matare munyika anofanirwa kufambirana nenguva vabvumidze kuti zvinenge zvichiitwa mumatare.
CITE yaive yaita chikumbiro chekubudisa nyaya iyi padandemutande mutongi wedare akabvuma kuti vaizobvumidzwa chete kuita izvi kana ave kupa mutongo wake.
“Vabvuma kuti panoitwa judgment ndipo chete panogona kuitwa live streaming asi dambudziko ndere kuti judgment is just sometimes one or two lines, saka isusu hatinzwisisi kuti Court yarambirei nekuti havana kutipa zvikonzero vachiti vachatipa munguva inotevera. Izvi zvinoratidza kuti hatisati tasvika padanho rekuti maCourt anotambira kuti tifambirane netechnology,” VaPhulu vaudza Studio 7
Dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa dzinobvumidza kuti vatapi venhau vabudise zvinenge zvichiitika mumatare senzira yekuratidza kuti hapana chekuvanza pane zvinenge zvichiitika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG