Apo nyika yasarirwa nemazuva makumi matatu nematatu kuti ipinde musarudzo dzemutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende pamwe nemakanzuru, nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika dzinonzi dziri kuramba dzichiwedzera munyika, vanopikisa vachinongedza kubato riri kutonga reZanu PF kuti ndivo vanaMuparanzvongo.
Izvi zviri kuramba zvichiitika kunyange hazvo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nevachapinda musarudzo vachinzi vakaisa runyoro rwavo pagwaro reZimbabwe Electoral Commission Code of Conduct, rinokurudzira kuti sarudzo dziitwe murunyararo.
Zviri kuuyawo zvakare panguva iyo mapurisa akayambira kuti acharanga vezvematongerwo enyika nevatsigiri vavo vachawanikwa vachipesvedzera mhirizhonga munyika.
Nhengo yebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaGdofrey Kurauone, vanoti hapana zvitsva pakuti mapato ezvematongerwo enyika anosaina chibvumirano cherunyararo asi nhengo dzawo dzichikonzera mhirizhonga.
"Muchaona kuti zvavanotaura nezvavanozoita zvakasiyana nokuti iye zvino izvi makatarisa kwese kuri kunzi kwaitika violence muchaona kuti vanhu veZanu PF vari ku attacker vanhu veCCC," VaKurauone vanodaro.
Vanoti mudunhu reMasvingo Central CCC yakaita musangano wayo veZanu PF vakaenda vakanovhiringidza musangano uyu pamwe nekudzingirira vanhu nekutema dzimotokari, zvinoreva kuti zvavanotaura nezvavanoita hazvienderane.
Asi nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti havabvumirane nemaonero aVaKurauone..
"I think VaKurauone vachiri kukura havo kuti vanyatsoona. Zanu PF handiyo nzvangamuromo, haitange dambudziko, ende haidzoreri. KuZanu PF takadzidzisa nhengo dzedu kuti aiwa, isu tagara tiine vanhu vakawanda veZanu PF, saka tinogorovereiko vashoma? Ende tisu takaita kuti muve ne democracy muZimbabwe."
Doctor Mavaza.vanoti bato ravo rinotevera kurudziro yemutungamiri wavo, vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekuramba mhirizhonga.
Asi VaKurauone vanodzoka vachiti mutungamiri weZanu PF ndivo munhu ari kutopesvedzera mhirizhonga zvakanyanya, vachiti mashoko akataurwa naVaMnangagwa kukereke yeJohanne Marange svondo rapera anotokurudzira mhirizhonga.
Zimbabwe iri kupinda musarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu, asi vamwe vanoongorora sarudzo vari kuti kana nyaya yemhirizhonga yakasagadziriswa nekukasika zvichabuda musarudzo zvinogona kuve nemakakatanwa zvakare.
Forum