Accessibility links

Breaking News

Kwasara Mazuva Mashoma Kuti Sarudzo Dziitwe, Mhirizhonga Inonzi Iri Kuwedzera muMatunhu Akawanda


Musha wenhengo yeCCC wakapiswa kuChilonga nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
Musha wenhengo yeCCC wakapiswa kuChilonga nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Apo kwasara mazuva makumi matatu nemaviri kuti nyika ipinde musarudzo, nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwe enyika dzinonzi dziri kuramba dzichikwira mumatunhu akawanda emunyika, nhengo dzebato rinopikisa reTriple C dzichiti dziri kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato riri kutonga reZanu PF.

KuMasvingo vatsigiri veZanu PF vari kupomerwa mhosva yekupisa misha miviri yevatsigiri vebato reTripple C kuChilonga kuChiredzi South, panguva iyo vanopikisa kuChipinge vari kuti kwaberekera ingwe.

Vatsigiri veTriple CCC vaviri vanoti VaCephas Magezani pamwe naVaAfiniwell Vhelemu veku Chilonga vanoti vamuka dzimba dzavo dzave madota mushure mekupiswa usiku varere zvaita kuti varasikirwe nemidziyo yakawanda.

VaVhelemu vanoti vapisirwa nekuti vanotsigira bato reTripple C, iro ravari kubatsira kutsvagira rutsigiro, vachiti vakatombovimbiswa svondo rapera nevamwe vavanoti vebato riri kutonga reZanu PF kuti sarudzo dzichaitwa ivo vave muguva.

“Ndakapisirwa imba yangu madeko kuma 2 husiku nevatsigiri veZanu PF avo vanogara vachindivimbisa kuti sarudzo dzichaitwa ndave muguva kutaura kudai ndakatotoza pamba,” Vakadaro VaVhelemu.

Imba yakapiswa.
Imba yakapiswa.

Vanoti vakatotiza pamusha sezvo vaitya kuzovingwa pakati pehusiku vakaurawa vachiti vanotyira mhuri yavo iyo yakasara pamba nemudzimai wavo.

KuChipinge umwe mutsigiri we CCC, VaSamuel Chawasema, vanoti vari kugara vachitya mushure mekutyisidzirwa zuva nezuva nevatsigiri veZanu PF vachinzi kuchauya mauto ekuMozambique kana vakasavavhotera.

“Vanhu varikutyisidzirwa zuva nezuv avachinzi kuchauya masoja ekuMoza vakasavhota zvakanaka,” VaChawasema vanodaro.

KuBindura, mutsigiri weCCC, VaEdmore Tanyanyiwa vanoti vatiza musha wavo mushure mukudzingwa pavaishandira kuChipadze vachinzi vanotsigira bato reCCC.

“Tirtori musango vanhu veZanu POF vanongondifonera vachiti hupenyu hwakoi hwauna kumira zvakanaka,” Vadaro VaTanyanyiwa.

Vakafana kubata chigaro chemutevedzeri wemunyori munyaya dzesarudzo muTripel C, Amai Ellen Shiriyedenga, vatenda kuti vagamuchira nyaya idzi kubato ravo vachiti izvi zviri kuitika nyika yese asi zviri kunyanya kumatunhu anoti Masvingo, Mashonaland Central, Mashonaland East pamwe nekuMidlands.

“Mhirizhionga irikuwanda uye irkuitwa neZanu pf kuvatsigiri vedu nekuti vanotyta kukundwa musarudzo,” Amia Shiriyedenga vadaro.

Mhirizhionga iyi iri kuwanda kunyange mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachigara vachikurudzira runyararo munyika.

Zanu PF inoti iri kunyeperwa.
Zanu PF inoti iri kunyeperwa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, kanawo mushandi mukuru muhofisi yezvekufambiswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi sezvo vange vasingadairi nharembozha yavo, uye pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaPepukai Chiwewe varamba mhosva iri kupomerwa bato ravo mudunhu reMasvingo.

“Hatiiti zvemhirizhonga isu asi veopposition ndivo varipmasuro kutanga mhirizhionga isu tiri verunyararo,” VaChiwewe vadaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assitant Comissioner Paul Nyati, vati vange vasati vatambira nyaya dzemhirizhinga idzi muhofisi mavo.

Asi veTripple vanoti kunyange vakamhan’gara kumapurisa hapana chinoitwa uye dzimwe nguva ndivo vanopedzisira vasungwa.

Mune imwewo nyaya, vari kumirira bato reCCC kuChivi South, VaDanisai Chikondere, nhasi vapinda mudare rekuChiredzi vachipomerwa mhosva yekubira mutsigiri weZanu PF, VaTizirai Pedzisai, mombe yavo kwaChivi.

Gweta raVaChikondere, VaFrank Chirairo, vanoti vanzi vadzoke kudare musi wa2 Nyamavhuvhu gore rino.

VaChirairo vanoti nyaya iyi haina maturo, vachiti ine zvematongerwo enyika mukati sezvo VaChikondere vari kukwikwidza musarudzo dziri kuuya mwedzi unouya..

Hatina kukwanisa kubata gweta raVaPedzisai kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG