Varimi vakawanda munyika vari kuchemachema kuti vari kunonoka kupiwa dzimwe dzemari dzavo dzechibage chavakaendesa kuGrain Marketing Board-GMB izvo zvavanoti zvichakanganisa gadziriro yavo yemwaka unouya.
Varimi ava vanoti mari iri kunonoka kuuya ndeiyo yavanofanirwa kubhadharwa iri mumadhora ekuAmerica, iyo inonzi inoiswa mumabhuku ekumabhanga avo anoiswa mari yekunze, kana kuti Nostro Accounts.
Vachizivisa nezvekutengwa kwezvirimwa neGMB mwedzi mishoma yapfuura, gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, vakazivisa kuti tani imwechete yechibage ichange ichitengwa nemadhora ekuAmerica anoita mazana matatu nemakumi matatu nemashanu kana kuti US$335.00.
Pamari iyi madhora mazana maviri, kana kuti US$200.00 inoiswa muNostro Account, imwe madhora zana nemakumi matatu nemashanu, kana kuti US$135 inobhadharwa iri mumadhora emunyika pachishandiswa mutengo wedhora rekuAmerica unenge uri pamusika wemari pazuva rainenge yabhadharwa.
Varimi ava vanoti mari yemadhora emunyika vari kukurumidza kuibhadharwa asi yemadhora ekuAmerica iri kunonoka kuuya zvakanyanya.
Mumwe murimi wekuChegutu, VaNomore Sande, avo vakaendesa matani makumi maviri echibage kuGMB vanoti vave nemwedzi wose vasati vawana mari yavo yavanofanirwa kubhadharwa iri mumadhora ekuAmerica.
“Ndakaendesa matani angu kuGMB mwedzi wapera asi handisati ndabhadharwa”
Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi weku Hwirisha mudunhu reMashonaland East, VaAmon Rusere, vanoti kunonoka kubhadharwa kwemari yemadhora ekuAmerica kuchaita kuti varimi vakawanda vatadze kuita gadziriro yakakwana yemwaka unouya.
“Kunonoka kubhadharwa kwave kuitwa varimi kuGMB kwave kuita kuti vatengese chibage chavo kuvanhu vanotenga nemari iri pasi asi vachibhadhara ipapo”
Kunonoka kubhadharwa kwevarimi kunonzi kwave kuitawo kuti makoronyera atenge chibage nemari iri pasi izvo zvichaita kuti varimi vawane mari shoma pane yavange vakatarisira, sekutaura kwaVaSamuel Mavata, vanorima vari kuHurungwe.
Ongororo yaitwa neStudio 7 kumatura eGMB ari muBanket, Chinhoyi, Lions’ Den, Karoi neVhuti inoratidzawo kuti varimi vashoma vari kuendesa chibage kuGMB.
Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanobvumawo kuti kunokoka kubhadharwa kwevarimi mari dzavo dzose kunoita kuti vasagadziririre sezvinotarisirwa mumwaka unouya.
“Kunonoka kubhadharwa kuno vhiringa murimi pakuronga kutenga zvekushandisa nenguva”
Amai Jiti vanoti varimi vanoitawo dambudziko rekuti miripo yemari dzavanenge vakakwereta kumabhanga, kana kuti Interest, inowedzera kana vakanonoka kudzosa zvikwereti izvi kunyange hazvo isiri mhosva yavo.
Asi mutauriri weGMB, VaNixon Kanyemba, vanoti vari kupa varimi mari dzavo.
VaKanyemba vanoti kusvika svondo rino neChitatu vainge vabhadhara varimi mari inosvika mamiriyoni masere ane zana rezviuru zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$8.1 million, uye madhora emunyika mabhiriyoni makumi maviri nematatu ane mamiriyoni matatu, kana kuti ZWL$23.3 billion.
Vanoti vanobhadhara varimi zvichienderana nemari yavanenge vapihwa nehurumende ,asi vanovimbisa kuti panopera mwaka uno murimi wose anenge abhadharwa mari yake.
“Tinoda kuzivisa varimi kuti GMB inobhadhara varimi zvichienderana nemari yatinenge tapihwa nehurumende”
Patabvunza kuti zviri kuita sekuti varimi vashoma ndivo vari kuendesa chibage kuGMB, VaKanyemba vanoti havana vanga vasina mafigiri ehuwandu hwechibage chainge chaendeswa kuGMB nguva ino gore rapera asi vanoti pari zvino vatenga chibage chinosvika mametiriki makumi mana ematani.
“Chiri chibage kusvika nezuro tatambira 40 756 metric tones “
Vamwe varimi vanoti havasi kuendesa chibage chavo kuGMB nekukurumidza sezvo chichiri chinyoro nekuti vakachikohwa nekukurumidza nekutyira kuti chinobiwa.
VaKanyemba vakurudzira varimi kuti vaende nechibage chishoma, kana kuti sample, kuGMB kuti chinotariswa hunyoro hwachinenge chinahwo, kana kuti moisture content, vasati vaenda nacho chose kunotengesa.
GMB inoti haisati yave nehuwandu hwechibage chairi kutarisira kubva kuvarimi gore rino, asi hurumende yakazivisa muna Chivabu kuti yaitarisira kuwana matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu echibage, kana kuti 2.3 million tonnes.
Hurumende yakabvisawo mutemo waimanikidza varimi kutengesa zvirimwa zvavo kusanganisira chibage kuGMB chete.
Forum