Accessibility links

Breaking News

Vatongi veMatare Vanobvumirana Kupedza Nyaya Dzose Dziri kuMatare Dzine Chekuita neSarudzo neChimbichimbi


Gweta reMDC-T, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vachitaura zvsungwa nedare.
Gweta reMDC-T, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vachitaura zvsungwa nedare.

Vachitaura apo vanga vachinzwa nyaya yakakwidzwa kudare nebato rinopikisa reMDC-T richinyunyuta nekwarinoti kusabatwa zvakanaka kwakaitwa nhengo dzaro makumi masere nenomwe (87) nekomisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mutongi wedare reHigh Court, VaPisirai Kwenda, vati vatongi vematare vakabvumirana kuti vanofanirwa kupedza nyaya dzose dzine chekuita nesarudzo nechimbi chimbi.

Dare reHigh Court.
Dare reHigh Court.

VaKwenda vati nekudaro, vari kunyunyuta nevamhangarirwa munyaya iyi, inove ZEC, vachapiwa mukana wekunyora zvakaitika uye zvavasiri kugutsikana nazvo mumagwaro ehuchapupu kudare, kana kuti Affidavits, pane kuti vazopa huchapupu hwavo mudare mbune vachiti izvi zvichaita kuti vakurumidze kunzwa nyaya iyi.

VaKwenda vati kana vakagutsikana nezvinenge zvanyorwa mumagwaro aya vanogona kutura mutongo wavo nekungoverenga maAffidavits aya.

Gweta riri kumiririra MDC-T, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vatenda kuvatori venhau kuti izvi ndizvo zvaitika mudare. “Tabvumirana isu magweta varikumirorira MDC T neveZEC kuti takuchiisa umbowo wedu hwese pabepa nekuti vanhu ava vakawana zvekuti umwe neumwe akauya achiisa umbowo tingatore mazuva akawanda tichipa umbowo. Tinonyora toisa umbowo uhu nemuvhuro.”

Mizvinafundo Lovemore Madhuku
Mizvinafundo Lovemore Madhuku

Muzvinafundo Madhuku vanoti vanzi vange vaita izvi neMuvhuro unouya.

“Mutongi paachawana magwaro awa nenguva dza10 mangwanani nemuvhuro musi wa25 dzaati tiunze mapepa ndipo paachatarisa oona kuti achada zvimwe here kana pasina zvimwe zvaanoda anobva atipa mutongo.”

Bato reMDC-T rakakwira kumatare richinyunyuta nedanho rarinoti rakatorwa neZEC rekuramba kuti ribhadhare mari dzenhengo dzaro makumi masere nenomwe pamwechete kuti dzikwanise kunyoresa nedare re Nomination Court.

Muzvinafundo Madhuku vati zvakafamba negwara vari kutarisira kuwana mutongo kubva musi weChitatu chinouya.

Vachitaurawo nevatori venhau, mutungamiriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati vave kufara kuti nyaya iyi yave kunzwika nechimbi-chimbi.

“Tirikufara kuti nyaya iyi yakunopedzwa zvechimbi chimbi tichitarisa magwaro aripoasi chokwadi chiripo ndechekuti Zimbabwe Electoral Commission irikukakanganisa kutsvaka rutsigiro kweMDC. Vanhu varikuramba kuti nhengo dzedi dzipinde havasi vanhu varikukwikwidzana nesu vakadai seZanu PF kana CCC Saka tirikurwisana na referee asiri kutonga zvakanaka.”

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora.
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora.

VaMwonzora, avo vati vari kutarisira kukunda munyaya iyi, vati zviri kuitika izvi zviri kuvakanganisa kutsvaga rutsigiro iko kwasara mazuva mashoma shoma ekuti sarudzo dzaNyamavhuvhu dziitwe.

“Vakwikwidzi vedu vakupiwa mazuva aripasi pemazuva makumi matatu uye zvinoita kuti mikana isaenzane.”

Izvi zvatsinhirwa naVaWilton Njanjazi vari kuda kukwikwidza vakamirira bato iri kuKuwadzana West.

”Zvinotikanganisa nekuti hatizowani nguva yekutsvaka rutsigiro yakakwana, Zvinotivhiringidza sitereki.”

Gweta reZEC, VaTawanda Kanengoni, vati vanga vasingakwanisi kutaura nevatori venhau pamusoro pezvabuda mudare, vachiti vanoda kumbotanga vapira vavari kumirira, veZEC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG