Kutsvaga rutsigiro kuri kuenderera mberi zvikuru kuvaviri vari kutarisirwa kuti ndivo vane mukana wekukunda musarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanngagwa vebato reZanu-PF uye VaNelson Chamisa vebato reCCC.
Nhasi VaChamisa vange vari mudunhu reMatabeleland South vakaita misangano yakawanda kusanganisira kuUmzingwane vasati vaenda kuBeitbridge uko kwange kuine zviuru nezviuru zvevanhu. Vapika kuti gore rino havasi kuzorega sarudzo dzichibirirwa. “Gore rino ndarima mhiripiri gudo hauna chaunowana” Vaenderera mberi vachiti, “Canaan tiri kupindakunyangwe Faro akada kuramba...zvinoita kuti tipinde inyaya yekuti isu tinofamba naJesu.”
Nezuro VaMnangagwa vainge vari kuCentenary uko kwakaunganawo zviuru nezviuru zvevanhu. VaMnangagwa vakakurudzira vanhu kuti vatsvage rutsigiro murunyararo vachiti vakati vachaita mhirizhonga vachasungwa.
Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vatsigiri vebato ravo vari kupomerwa mhosva dzemhirizhonga havasi kusungwa.
Mutungamiri weMDC VaDouglas Mwonzora vaudzawo Studio 7 kuti vave kuda kutanga zvirongwa zvekutsvaga rutsigiro svondo rino.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu vanoti mujawo pavanhu gumi nevaviri vari kukwikwidza uri pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.
Vachitaurawo nezvesarudzo, sachigaro wesangano rinoongorora nezvesarudzo reZESN VaAndrew Makoni vanoti zvakakosha kuti dziitwe murunyararo.
Vaongorori vesarudzo vakawanda kubva kuEuropean Union nemasangano emuAfrica vatove munyika kuzoongorora sarudzo idzi.
Forum