Accessibility links

Breaking News

VaZiyambi Vanoti Nyaya dzemuMatare Dzokanganisa Kudhindwa kweMapepa eKuvhota- Asi VaMzembi Vanoti Inguruve Iri Kukangwa neMafuta Ayo


Douglas Mwonzora MDC-T and Linda Masarira - Lead At Zimbabwe Independence
Douglas Mwonzora MDC-T and Linda Masarira - Lead At Zimbabwe Independence

Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi nevekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC vanoti nya adzakawanda dziri kumatare dzine chekuita nezvesarudzo dzave kukanganisa hurongwa hwekudhindwa kwemapepa esarudzo kana kuti ballot papers.

VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti dai ZEC yakadhinda mapepa ekuvhota pakagara dare reNomination Court dai yave kudhinda mamwe zvekare nekuda kwekubvumidzwa kukwikwidza kwevamwe vainge vamborambidzwa kupinda musarudzo.

Nyaya dziri kumatare dziri mumatare dzinosanganisirawo yemutungamiri webato reLEAD Muzvare Linda Masarira yange iri mudare nhasi yekurambidzwa neZEC kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vachinzi vakanonoka kubhadhara mari kudare reNomination Court. Nyaya iyi sematauriro egweta ravo VaAndrew Makoni yaendeswawo mberi nedare.

VaMakoni vati zviri kuitwa izvi zvave kukanganisa Muzvare Masarira kutsvaga rutsigiro.

Imwe nyaya iri kumatare ndeye vamwe vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika zvakare VaSaviour Kasukuwere. Dare repamusoro rakamboti vasakwikwidze sezvo vdarika gore vari kunze kwnyika. Asi chimwe chipangamazano chavo VaWalter Mzembi vati vari kushamisika nemashoko aVaZiyambi sezvo bato ravo reZanu-PF riri iro riri kutambira kumatare.

Asi vati hazvisi kukanganisa hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro.

Mumwe ari kuchema chema nekunonoka kwekutongwa kwenyaya dziri kumatare mutungamiri weMDC VaDouglas Mwonzora. VaMwonzora vanoti nhengo dzebato ravo makumi masere nemanomwe dziri kuda kukwikwidza musarudzo dzenhengo dzedare reparamende dzakarambidzwa kukwikwidza dzichinzi dzakanonoka kubhadhara mari.

Imwe nyaya iri kumatare ndeyenhengo dzeTripple C gumi nembiri dziri kuda kunzi nevamwe vanotsigira Zanu-PF dzisakwikwidze nekuti dzakanonoka kuendesa mapepa kunomination Court.

Bato iri rinewo dzimwe nhengo gumi dzakarambidzwa kunyoresa dzichinziwo dzainge dzanonoka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG