Vamwe vagari vekuBikita kuMasvingo vanotsigira bato rinopikisa vari kupomerwa vatsigiri veZanu-PF mhosva yekufamba negwaro revavhoti mudzimba vachivaudza kuti vakavhotera vanopikisa vachaitwa kafiramberi.
Zviri kuitwa izvi zviri kupesana nekurudziro yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekuti vanhu vatsvage rutsigiro murunyararo.
Mumwe wevagari avaVaEdmund Mudzingwa, vekwa Mukanga vanoti vakatoudzwa kuti kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasakunda pekutanga pakangoitwa sarudzo dzechipiri kana kuti run-off vanenge vazvisikira moto muziso.
Vari kuti ivo ballot paper ravo richange rine serial number yakafanana neye mu voters roll zvakare vari kuti mukasavhota zvakanaka kuchave ne re-run zviri kuvhundusira vabereki vazhinji,” Vanodaro VaMudzingwa
Mutauriri webato reNCA uye vari kumirira bato ravo kuBikita West mudare reparamende, VaMadock Chivasa vanoti ichokwadi kuti bato riri kutonga riri kutyikidizira vagari.
VaChivasa vati, “Tinoti zviri kuitwa neZanu PF zvekufamba nevoters roll vachityisidzira vanhu kutyora kodzero dzevanhu, tiri kudzwa kuti vari kufamba vachidaro saka tinoda kuudza vanhu kuti vasatyikidzirwe."
Izvi zvatsinhirwawo nevari kumirira Bikita West kuCCC , VaBarny Nyika avo vati gwaro iri riri kushandiswa kumanikidza vanhu kuti vavhotere pavasingadi.
Hatina kukwanisa kuwana divi revari kukwikwidza kuBikita West VaDany Nhatiso Makusha avo vati vange vari mumusangano.
Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe varamba mhosva iyi vachiti vari kufamba kunhengo dzavo chete dziri mumasero avo vachiita chirongwa chekuvafundisa kuti vangovhota zvakana musi wesarudzo.
“Ikodzero yedu kuti tiende nevoters roll kuvatsigiri vedu, hazvineyi neopposition izvo, vanodaro nekuti vahana mastructures,” VaChiwewe vadaro
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimiririra muMasvingo, VaArchibold Madida, vanoti nyaya dzekutyisidzira vanhu nemhirizhonga mudunhu reMasvingo nenyika yose dzichaita kuti sarudzo dzisatambirwe nevamwe.
Kunze kwemhirizhonga, sangano rePachedu riri kuongorora gwaro revavhoti rinotiwo pane vanhu zviuru gumi vari kushandisa nhamba dzezvitupa dzakafanana nedzevamwe vanhu vakambovhota muna 2018. ZEC inoti ichiri kukwenenzvera gwaro revavhoti iri.
Bato rinopikisa reCCC ranyorawo tsamba kuvatori venhau richiramba zviri kutaurwa nehurumende zvekuti vanopikisa vari kuramba mukana wekuzvishambadza panhepfenyuro dzehurumende.
Tripple C yati hurumende haisi kuzadzikisa zvakakurudzirwa neSADC neAU kupa mapato ose mukana wekuzvishambadza wakafanana.
Bato reTripple C riri kurambawo zviri kutaurwa nemapurisa zvekuti arambidza misangano yeZanu-PF yakawanda kudarika yeTripple C.
Nyaya yemhirizhonga, kusamira zvakanaka kwegwaro revavhoti, uye kusapihwa mikana yekuita misangano nemapurisa kana kuzvishambadza panhepfenyuro dzehurumende kwevanopikisa kwave kupa kuti vanoongorora nyaya dzesarudzo vati Zimbabwe yatarisana zvekare nedzimwe sarudzo dzichaita mutauro nekuramba kutambirwa zvinokonzera kusagadzikana munyika.
Forum