Zimbabwe nhasi yaparura zviri pamutemo gwaro remamiriro ehuwandu hwevanhu pasi rose kana kuti World Population Report 2023. Izvi zvaitwa pahurongwa hweWorld Population Day hwange hwakarongwa nesangano re United Nations Population Fund hwaitwa muHarare nhasi asi wakaitwawo zviri pamutemo nedzimwe nyika pasi rose musi wa 11 Chikunguru.
Vachitaura muHarare nhasi pamhemberero idzi, munyori mubazi rinoona nezvemadzimai VaMoses Mhike vati madzimai nevanasikana vanofanirwa kupiwa kodzero dzavo kuti vasarudze zvavanoda kana nyika ichida kubudirira uye kuronga mhuri.
“Vamwe vangataure kuti nyaya yehuwandu hwevanhu inyaya inofanirwa kuve ichienderana nemamiriro ehupfumi hwenyika kana mamiriro ekunze asi zvabuda nhasi inyaya yekuti madzimai nevana vanofanirwa kuti vave vachipiwa kodzero dzavo vagoita sarudzo yavanoda,” Vanodaro VaMhike.
VaMhike vati nguva zhinji madzimai emunyika haana mikana yesarudzo, “madzimai nevanasikana hatisi kuvapa mukana wekuti vakwanise kusarudza zvavanoda. Zvinhu zvizhinji munyika isu semapolicy makers zvinhu zvatinongoita tisina kubvunza madzimai nevanasikana.”
Izvi zvatsigirwa nemukuru wekomishini inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume yeZimbabwe Gender Commission, Amai Virginia Muwanigwa.
Mai Muwanigwa vati, “Tinoona kuti matanho ese anoda kutorwa kugadzirisa huwandu hwevanhu muZimbabwe zvinoda kuve nevanhukadzi mukati nekuti ndivo vanotakura pamuviri."
Vaenderera vachiti, "Asi takatarisa nyika yedu inotongwa nevanhurume ndeyekuti dzimwe nguva kunyangwe nyaya dzinechekuita nevanhukadzi dzinenge dzichitongerwa nevanhurume. ”
Muzvare Abigail Msemburi vanoshanda neUNFPA vati chakakosha panyaya yehuwandu hwevanhu kuronga kuti vanhu vanenge varimo munyika vangawaniswa sei raramo.
Mai Msemburi vati, “Tinofanirwa kubatana nehurumende yeZimbabwe kuti tione kuti tingabatsire sei kuti kana huwandu hwevanhu huchiramba huchikwira tingavandudze sei kumapazi ezvedzidzo ,ehutano nekwese kunoda kuvandudzwa kuti vanhu vakwanise kuwana raramo yakanaka,”
Muzvare Msemburi vati madzimai ndiwo anofanirwa kukosheswa mukuona kuti mhuri munyika dzingakure zvakadii.
Vachitaurawo nezvenyaya yehuwandu hwevanhu, VaMhike vatiwo rimwe dambudziko guru munyika kuroorwa kwevana vachiri vadiki pamwe nekumbunyikidzwa kwemadzimai nevanasikana.
Gwaro reWorld Population Report iri rinotiwo pasi rese vanhu vadarika mabririyoni masere uye rinotiwo zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana zvepamuviri I parikubatwa panenge pasina kurongwa zvichinzi zvinokonzerwa nekusapa madzimai kodzero dzekusarudza zvavanoda.
Forum