Mutungamiri wenyika nebato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano wekutsvaga rutsigiro kuNkayi uko vakurudzira madzishe nevakuru vemachechi kuti vabatsire kupedza dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka senzira yekuchengetedza remangwana renyika neyavati nhaka yeZanu-PF.
VaMnangagwa vati, “Parizvino vana vemazuva ano vasangana nedambudziko rekushandisa zvinodhaka.” Vaenderera mberi vachiti, “Tiri kukurudzira madzishe edu nevemakereke kuti vatibatsire kurwisa dambudziko iri. Kana vana vedu vachimwa nekuputa zvinodhaka vosticker, ndiyani watichasiira nhaka.”
Vakurudzirawo runyararo munyika vachiti vanhu havafanire kuita zvemhirizhonga munguva yesarudzo. VaMnangagwa vatambirawo vaimbova mutevedzeri wenyika VaPhelekezela Mphoko vachiti vafara kuti vainge vauya kuzovatsigira. Vati ivo naVaMphoko vakakura vose uye vari kufara kuti vari kuvatsigira.
VaMnangagwa vatiwo kunyangwe nyika yakatemerwa zvirango vabudirira kugadzirisa hupfumi hwenyika.
Asi vari kumirira Tripple C kuKadoma Central VaGift Mambipiri vati muromo hauzarirwe nerwizi.
Nyika dzakaita seAmerica dzinoti dzakatemera VaMnangagwa mbune zvirango nekuda kwekutonga nedemo kwete nyika yeZimbabwe.
Nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaYoungstone Dzikiti, vapawo maonero avo pamusoro pekutsvaga rutsigiro kwaitwa nhasi nebato reCCC, pamwe nere Zanu PF. Sarudzo dziri kuitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu.
Forum