Accessibility links

Breaking News

Kuderera kweInflation Muna Chikunguru Kwonzi neVamwe Hakuna Zvakuri Kubatsira Veruzhinji Sezvo Mitengo yeZvinhu Ichiri Pamusoro


Nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dhora remunyika riri kushaikwa.
Nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dhora remunyika riri kushaikwa.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevamiriri vevashandi vanoti mafigiri ari pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu akaburitswa neZimbabwe National Statistics Agency, ZimStat, haana zvikuru zvaanobatsira nazvo veruzhinji kana pachitariswa mitengo yezvinhu muzvitoro.

ZimStat yakazivisa svondo rapera kuti kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation yepamwedzi muna Chikunguru yakaderera nezvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana kubva pa 74.5 percent muna Chikumi kuenda pa minus 15.3 percent, ukuwo inflation yepagore ichidererawo kusvika pa 101.3 percent mumwedzi mumwechetewo.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kudzika kwe inflation uku hakuna zvikuru zvakunoreva sezvo mitengo yezvinhu muzvitoro isina kushanduka.

"Ndizvozvo chaizvo kuti infalation yadzika. Asi mitengo yezvinhu haina kudzika. Payanga yakamira ipapo masvondo apera ndipo pairi. hatisati taona kudzika kwemitengo," VaMoyo vanodaro.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenai Mutambasere,vanoti kudzika kwe inflation uku kuri kukonzerwa nekushaikwa kwedhora remunyika, izvo zviri kuomesera veruzhinji vave kukundikana kuwana mari yekutenga zvikwanisiro.

"Hurumende yaita chikiribidi mu economics. Yaita policy yechikiribidi yekuti vari kuudza vanhu kuti shandisai local currency asi nepo local currency yacho haisi kuwanika. MuZimbabwe mune cash crisis ye local currency," vanodaro Muzvare Mutambasere.

Izvi zvinotsinhirawo neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti kusungwa kwehomwe nehurumende ndiko kwasvitsa pakudzikira kwe inflation uku. Hurumende inonzi haisi kudhinda mari uyewo kubhadhara vanoiitira mabasa.

"Saka iye zvino zvanyanya kuita kuti paite sepane ka shortage kema Zimbabwew dollar. Ende kakushomeka ikako ndokakonzeresa kuti pave nekaku stabilizer kana kuti firming up kana appreciation yataona yaiitika pa official exchange market," Doctor Chitambara vanodaro.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano revemabhizimusi re Zimbabwe National Chamber of Commerce, Doctor Callisto Jokonya, vanoti kusabhadharwa kwevanenge vaitira hurumende mabasa paine nguva kune njodzi mune remangwana.

"Kusabhdharwa kwevanhu mari kana ma contractors akaita basa zvinoreva kuti hurumende haisi kubhadhara zvikwereti zvayo. Zvine dambudziko nekuti zvinogona kuita kuti mabhizinesi asaramba achiendaq mberi, uyezve anotadza kuramba achiopareta," Doctor Jokonya vanosimbisa.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti kunyange hazvo kudzerera kwe inflation chiri chinhu chakanaka uye matanho ehurumende ekudzikamisa hupfumi achitambirika, dzambudziko riripo nderekuti vana veZimbabwe vazhinji havasati vave nemari dzekutenga sezvo mitengo ichakakwira zvakanyanya. Saka pogadziriswa sei?

"ndinofungidzira kuti kubatanidza nezvitwa neReserve Bank zvekubata inflation pahuro, vave kufanira kubatawo avo vakakwidza mitengo rate reZim dollar parakanga riri pamusoro kuti vachidzikisa mitengo ichiednerana ne rate ravapo iye zvino.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe riri kuzvirova dundundu richiti matanho arakatora pamwe nehurumende ekudzikamisa hupfumi ndivo ane michero yave kuoneka nhasi iyi kuburikidza nekudonha kwe inflation nezvikamu zvakakura zvakadai.

Asi nyanzvi dzehupfumi dzakawanda dziri kukurudzira kuti dai hurumende yasiya tsika yayo yekuita zano ndega, yagara pasi nemapoka ose ane chekuita nezvehupfumi kuitira kuti patsvagwe nzira inopedza dambudziko zvachose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG