Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yaparura Gwaro reHurongwa Hwekupinda neKubuda muNyika


Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe
Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe
Zimbabwe nhasi yaparura zviripamutemo hurongwa hwemabatirwo achaita vanopinda nekubuda munyika kana kuti Zimbabwe National Migration Policy.

Vachiparura gwaro iri muHarare gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vati Zimbabwe yanga isina hwaro hwunotaura mabatirwo anoita vanopinda nevanobuda munyika.

VaKazembe vati, “Tanga tichingoshandisa mapolicy akangosiyana siyana asi tinotarisirwa nedzimwe nyika kuti tive nepolicy seyataita nhasi inotibatsira zvakawanda. Vatiwo. "Pane zvinhu zvinotarisirwa mabatirwo anoita vanopinda nevanobuda munyika.”

Vawedzerawo vachiti hurongwa uhwu hunoratidzawo kushandiswa kuchange kuchiitwa humizha nehumhetura hwechizvino zvino kana kuti (ICT) vachiti izvi zvichaderedza huori pamabhodha.

VaKazembe vati, “Hwaro ihwohwu hunoita kuti vashandise technology inonzi online border management system ichaita kuti kana vanhu vachipinda pave nehuori hushoma nekuti zvinhu zvese zvinenge zvoitwa nemacomputer zekuti pekusangana nemunhu anokuti ndipe zvakati." Vatizve, "Kunyangwe mavhiza anenge owanikwa ipapo.”

Vatiwo hurongwa uhu huchabatsira kuvandudza mavhiza anopihwa nenyika. VaKazembe vati, “ Policy iyi yava kuvapa mukana wekutarisa kuti magwaro anodiwa nevanhu vanenge vachizoiita zvakasiyana-siyana haafanirwi kuva akafanana." Vatiwo, "Mukatarisa kune dzimwe nyika kune mavisa akasiyana-siyana, kune mavisa eresearch, visa revanhu varikuita zvemabhizimusi nemavisa evanhu varikuuya kuzoshanya. “

Vachitaurawo pachiitiko chanhasi mushandi mukuru kuchikamu chekushanyirwa kwenyika kana kuti Immigration, Amai Respect Gono vati hwaro uhwu huchachengetedza vanobuda nevanopinda munyika.

Amai Gono vatsanangura, “ Tirikutarisira nyaya dzakaita sekuona kuti vauyi vanehunyanzvi hweyi hungatibatsira pamwepo tichitarisawo kuti avo varikubudawo munyika varikunoita mabasa avane hunyanzvi nahwo nemari inoenderana.”

Vatiwo hwaro uhwu huchabatsirano kuderedza nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu vachiguma vobatwa senhapwa kana kuti human trafficking

Nyanzvi munyaya dzekubuda nekupinda munyika vachishanda nebandiko reUnited Nations re International Organisation for Migration (IOM) VaTapiwa Mucheri vati hwaro uhwu hwakakosha sezvo zvichibatsira mukuti vanhu vafambe zvakarongeka uye kudzivirira kubiwa kwevanhu. Vati, “ Panotaurwa zvevashanyi , zvekushanda, mukufamba kwavo zvakanaka. Nyaya hombe iripakuda kudzivirira matambudziko pakufamba kusangana kubiwa kwevanhu.”

VaOnias Moyo mumwe mugari wemuHarare vati chakakosha munyika kuona kuti hurongwa uhwu hwaitwa uye hwabudirira.

Zimbabwe National Migration policy yabatanidzawo Diaspora policy yakaitwa muna 2016 pamwe neNational Labour Migration Policy yakaitwa muna 2021. Hwaro uhwu hurikutarisirwa kubatanidza nyaya dzekufamba nebudiriro yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG