Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMukati meNyika, VaKazembe, Vanoti Mapurisa Asunga Vanhu Gumi neVaviri Vane Chekuita neKuurayiwa kweNhengo yeCCC muHarare   


Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe
Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vati mapurisa asunga vanhu gumi nevaviri avo vanofungidzirwa kuti vaive pavanhu vakatema mutsigiri webato reCCC, Tinashe Chitsunge vakashaika pamhirizhonga yezvematongerwe enyika yakaitika kuGlen View 7 muguta reHarare nemusi weChina.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau pamwe nemapurisa muHarare, VaKazembe vati hurumende yaudza mapurisa kuti aite basa ravo nemazvo uye kuti vasunge vose vari kuita mhirizhonga pasina kutarisa kuti vabuda mumba maani kana kuti vanobva kubato ripi.

“Tapa masimba tataura nemukuru wemapurisa kuti wese apara mhosva yemhirizhonga pamaelections ngaasungwe pasina kuti abva kubato ripi,” vadaro VaKazembe.

VaKazembe vati mapurisa haasati okwanisa kubudisa mazita evasungwa nekuti zvinogona kukanganisa kuferefetwa kwenyaya kuchiri kuchiri kuitwa.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi yasimuka.
Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi yasimuka.

Zvichakadaro, mhirizhonga munyika inonzi iri kuwedzera apo kwasara mazuva gumi nemapfumbamwe chete kusvika kusarudzo, vemapato anopikisa vachiti vatsigiri vavo vari kurohwa nekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti Vatsigiri vebato reZanu PF.

Mutauriri we Triple C, VaGift Ostallos Siziba, vati mhirizhonga iri kukwira mumatunhu akaita seMasvingo, Harare, Midlands pamwe neManicaland, uko kwakarohwa vatsigiri vavo vakawanda nezuro uye mudungwe wemotokari dzavo dzaiva nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, wakatemwa nematombo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

"Zvave kuratidza kuti Zanu PF iri kutya ndosaka vatanga kurova vanhu nekutema mota dzedu kumaruwa uko,” VaSiziba vadaro.

Vakafanobata chigaro chemushandi mukuru muhofisi yezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati bato ravo hariiti zvemhirizhonga uye panyaya yanezuro kuGlen View 7 vachakamirira mapurisa kuti apedze basa rawo vozoti vopa divi ravo.

“Ichocho chitiko chekuti kwakatoitika musindo kukaita Kashaya zvinhu zvisingatifadzi isu semhuri ye Zanu pf nekuti mukuru wedu ari kukurudzira runyararo,” vadaro VaMarapira.

Vatsigiri veZanu PF.
Vatsigiri veZanu PF.

Mapato anopikisa anoti Triple C neNCA muMasvingo ari kuti bato reZanu PF rine nhengo dzaro dziri kufamba nemidhudhudhu dzichirova vatsigiri nekushungurudza vawo kuBikita, kwaGutu nekwaChivi.

Vanoona nezvesarudzo muCCC kuBikita, VaJohn Mupanduki vati nhengo dzeZanu PF dzine midhudhudhu dzinopfuura makumi maviri dziri kugara pachikoro chekwaChikuku dziri kushungurudza vatsigiri vavo.

“Kuno kuBikita kwakashata kune vanhu vanemidhudhudhu varikurova vatsigieri vedu,” VaMupanduki vanodaro.

Izvi zvatsinhirwawo nemutairiri weNCA munyika uye vari kukwikwidza musarudzo dzenhengo dzeparamende vakamirira bato iri kuBikita West, VaMadock Chivasa.

“Zvinhu zvirikuitika hasi pamutemo vanhu vasatyikidzirwe neZanu PF vaivhotere,” VaChivasa vadaro.

KwaGutu, nhengo yeCCC iri kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende kuGutu East, VaGift Gonese, vati motokari dzavo dzakadzingirirwa nezvimudhudhudhu zvisere zvaive nevanhu vaida kuvarambidza kuenda kumusangano wavo.

“Vaiva nemidhudhudhu vadzingirira mota yedu vari eight kusvika pakamba yemapurisa apo padonha zvimwe zvitatu,” VaGonese vadaro.

Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaPepukai Chiwewe, vati bato ravo harizivi kuti vane zvimudhudhudhu ava ndivanani?

“Avo vamuri kuti vari kufmba nezvimudhudhudhu hativazivi,” VaChiwewe vanodaro.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vati vange vasiri muhofisi uye havasati vanzwa nezvenyaya iyi.

Munyori wesangano revakarwa hondo, VaDouglas Mahiya.
Munyori wesangano revakarwa hondo, VaDouglas Mahiya.

Mune imwewo nyaya, munyori wesangano revakarwa hondo yerusunguko, VaDouglas Mahiya, vati vari kutsigira mutungamiriri wenyika VaEmerson Mnangagwa nebato ravo reZanu PF musarudzo dzegore rino.

Vachitaura pamusangano wavaita nenhengo dzavo muChinhoyi nhasi, VaMahiya vati sangano ravo riri kuronga kuunganidza vanhu mamiriyoni maviri vachafora mumigwagwa yeHarare munguva pfupi inoteveravachiratidza rutsigiro rwavo kuna VaMnangagwa.

“Mune rimwe zuva kana zvaita toda kuita 2 million march muHarare kana tikabvumidzwa,” Vadaro VaMahiya.

Vanoona nezvematongerwe enyika vanoti kukwira kuri ikuita mhirizhonga kunogona kukanganisa sarudzo zvinozoita kuti dzisatambirwe nevamwe zvakanaka.

Zvichakadaro, muzinda weAmerica muZimbabwe wati uri kushushikana zvikuru nemhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dziriko mwedzi uno.

Mumashoko awaburitsa padandemutande reX, iro raimbozivikanwa nerekuti Twitter, muzinda uyu wati unokurudzira mapato ezvematongerwo enyika ose kuti asimbise nyaya yerunyararo mumashoko pamwe nezviito, uchiti vana veZimbabwe vanofanirwa kubvumidzwa kutsvaga rutsigiro murunyararo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG