Vechidiki vakawanda vari kuita misikanzwa vachiita mabira ekunwa nekuputa zvinodhaka pamwe nekuita zvepabonde vakawanda, izvo zviri kudaidzwa nerekuti Vuzu parties, kana kuti sex parties.
Vechidiki ava, zvikuru vanogara vega nevamwe vane vabereki vari kunze kwenyika, ndivo vanonzi vari kuita mabira aya muchivande.
Vechidiki ava vanobvisa mari pamunhu ega-ega yekutenga doro nezvimwe zvinodhaka zvekuzoshandisa pamutambo uyu.
Studio7 haina kukwanisa kutaura nevechidiki vanoita mabira aya sezvo vasingadi kuzivikanwa.
Asi mumwe musikana anogara kuHighfield, muHarare, Fadzai Gwatinyanya, anorondedzera zvinoitikika kumabira evechidiki aya. Vati, “Pane zvandakanzwawo, kumutambo iyi kunenge kuchinyanya kuitwa bonde risina kudzivirirwa, uye zvisinei nekuti uri kuita nani.”
Vaenderera mberi vachiti, “Zvinonzi kunonwiwawo doro, kuchiti kuputwa zvakaita sembanje, shisha nezvimwe zvakangodaro.”
Wechidiki anoshanda nesangano reAids Counselling Trust, Decent Moyo, anoti kune matambudziko mazhinji anogona kuwira vechidiki vari kuenda kumitambo yakadai.
VaMoyo vati, “Dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka riri kutangirawo ikoku nokuti ndiko kwatinoona zvinhu zvakaita secocaine, mutoriro neguka, zvichitorwa.”
Vatiwo, Tinoonawo zvekare kuti zvirwere zvepabonde zvinosanganisira hutachiona hweHIV/Aids, zvinogona kutapuriranwa zvakanyanya, sezvo vechidiki ava vachiita bonde risina kudzivirirwa.”
Kune vamwe vanoti zvose zviri kuitika izvi zviri kukonzerwa nevabereki vasiri kuchengetedza vana vavo.
Asi mumwe mubereki anogara munzvimbo yeChuru, VaShane Kanguni, vanoti vabereki havana mhosva panyaya iyi- vachipomerawo kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
“Nyaya hombe hakusi kutadza kuraira kwevabereki, asi kuti hupfumi hwenyika ndihwo honzeri huru.” Amai Kanguni vaudza Studio 7. Vatizve, “ Pafungei kuti mwana musikana akanzi handei kumutambo wakadai, ovimbiswa kana kupiwa mari yakawanda kudarika yaanosibata, angaramba here? Ndizvo ndichiti ngatigadzirisei hupfumi hwenyika kuti dambudziko iri ripere.”
Nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Misheck Ruwende, vanoti vechidiki vanofanira kungwarira zvirwere zvinogona kutapuriranwa kumaVuzu party uku.
Dr Ruwenda vati, “Nekuda kwekutora zvinodhaka kunenge kuchiitwa, vechidiki vanogona kupedzisira vave kusakwanisa kugara vasina kudhakwa, yatinoti addiction pachirungu.”
Vatiwo, “Vanogonawo kuwana zvirwere zvepabonde, zvimwe zvinorapika nezvimwe zvisingarapiki. Vamwewo vanogona kuita pamiviri pasina kurongwa, zvinozoita kuti vade kupabvisa nenzira dzinoisa hupenyu hwavo panjodzi.”
Anotungamira zvirongwa nekubuditswa kwemashoko kusangano rinoshanda nevechidiki, reStudents and Youth Working on Reproductive Health Action Team, Muzvare Isabella Michael, vanoti ijana remunhu wese kupedza dambudziko ratarisana nevechidiki iri.
Vati, “Sesangano, tinokurudzira kuti masangano anoshanda akazvimirira, muzvikoro nekudzimba, ngatipei vana ruzivo, kuitira kuti vaite sarudzo dzine hudzamu panyaya dzakadai.”
Vatiwo, “ Tingazoda kuvatongesa nekuvaranga kana vaita misikanzwa iyi, asi ndinovimba kuti kudzivirira zviitiko izvi kubudikidza nechenjedzo, kwakakosha kudarika kuda kuzoranga.”
Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi.
VaNyathi vati, “Isu ticharamba tichisunga vanhu varikuita mitambo iyoyi, uyewo vari kuvapa nzvimbo dzekuita izvi.”
Vatizve, “ Tiri kupawo chenjedzo kuvana vechikoro kubudikidza nekuvapa dzidziso muzvikoro. Tinodawo kuti vabereki vabatane nesu mukupedza dambudziko iri. Panoitwa mitambo iyi, taona kuti panodhakwa nekuitwa zvinonyadzisira, naizvozvo hatisi kuzodzokera kumashure mukusunga vanhu ava.”
Svondo rapera mapurisa akasunga vamwe vadzidzi vepachikoro chedzidzo yepasi, vakanga vaungana muzvimbo yeDzivarasekwa muHarare, kuti vaite mutambo uyu.
Dzimwewo nyanzvi dzinorwira kodzero dzevana dzinoti vabereki vemazuva ano havachisina nguva nevana vavo, zvinozoita kuti vatadze kuona misikanzwa yakaita semaVuzu parties aya.
Forum