Panguva iyo hurumende iri kuti mitengo yezvinhu muzvitoro iri kudzikira, sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu yakatokwira nezvikamu zvina nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 4.7 percent mumwedzi waChikunguru.
Mari iyi yakaenda paZWL$2,687 018.00 muna Chikunguru ichibva paZWL$2,567 480.00 muna Chikumi.
Consumer Council of Zimbabwe inoti kudzikira kwemakwiriro emari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu uku mucherechedzo wekuti misika iri kutambira matanho ari kutorwa nehurumende ekudzikamisa dhora remunyika.
Asi sangano iri rinoti zvinhu zvakanyanya kukwidza mari iyi mitero yemvura nezvimwe zvinoda kubhadharwa, magetsi, pekugara uyewo zvehutano.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuwana simba kwedhora remunyika zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica kwakonzera kakugadzikana mune zvehupfumi.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, Doctor Callisto Jokonya, vanotiwo kana bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaramba risingadiri mari mumisika zvinobatsira kudzikamisa dhora remunyika, izvo zvinozoitawo kuti mitengo yezvinhu irambe yakadzikama.
Asi vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kunyange hazvo dhora remunyika riri kunzi ragadzikana, mitengo yezvinhu muzvitoro ichakakwira.
ZimStat yakazivisa kuti mwedzi wapera kukwira kwemitengo yezvinhu pamwedzi nemwedzi, kana kuti month-on-month inflation, yakadonha zvakanyanya zvekusvika pa minus 15 percent, zvichinyanya kukonzerwa nekudzika kwemitengo yezvekudya.
Asi vashandi vachiri kuchema kuti kunyange hazvo zvinhu zviri kunzi zvadzika mitengo, izvi hazvisi kufambidzana nemihoro yavo, iyo yavanoti ichiri pasi.
Forum