Munyori anoona nezvedunhu reHarare nenzvimbo dzakatenderedza VaTafadzwa Muguti vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vave kuda kuona kuti nhandare dzemunyika dzose dzagadziriswa zvemhando yepamusoro kusanganisira Rufaro Stadium iyo yave kuda kupera ichigadzirwa nekanzuru yeHarare.
Kupindira kwehurumende uku kwakaona mapurisa achirambidza meya weHarare VaJacob Mafume kuvhura nhandare iyi kuti ichitange kushandiswa nezvikwata nezvikwata zvakaita seCaps United neDynamos zvasare zvichigadziriswa.
Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 vati vari kushamisika kuti hurumende yave kuda kugadzirisa nhandare yeRufaro Stadium iyo yave kuda kupera asi iri kukundikana kugadzira nhandare yeNational Sports Stadium iyo yakavharwa ichinzi haichaite kuti itambirwe nhabvu.
National Sports Stadium iri pasi pehurumende uye yave nemakore isina kugadziriswa zvakapa kuti iyo nenhandare dzose munyika dzirambidzwe neFIFA kutambirwa nhabvu nedzimwe nyika.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa anotevedzera mutemo nekudaro vese vane mubvunzo nezvaitika vanofanira kubvunza VaMuguti.
Meya weHarare VaJacob Mafume vebato reCitizens Coalition for Change vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa zvave zveshaisano.
"Isu sekanzuru yeHarare taita zvese zvinofanirwa kuitwa tikapihwa mvumo nevanoona nezvenyaya idzi.” Vatiwo, “Kana mapurisa ave kuti ataurirwa naVaMuguti kuti tisaite zvatange taronga hatichazvinzwisise. Iye munhu mumwechete, orambidza zvinhu zvakarongwa zviri pamutemo. Handifunge kuti kungave kushanda kwakanaka," Vanodaro VaMafume.
Vanoti vamisa hurongwa uhu vaita godo asi izvi hazvisi kuzovaodza moyo. "Ava vatimisa vaita godo, vati zvimire, isu hatingavateedzere nekuti chatinoziva ndechekuti nhabvu ichatambwa muno muHarare, muno muRufaro zvine mukurumbira, zvichafadza vanhu. Tadzosa mufaro, murufaro," vadaro vaMafume.
VaMuguti vakasarudzwa nemutungamiri wenyika. VaMuguti vaudza Studio 7 kuti kanzuru yeHarare inoziva zvinoda kuitwa isati yavhura nhandare iyi zviri pamutemo.
VaMafume vanoti vaita musangano nevatungamiri veZifa pamwe nezvikwata zveCaps United neDynamos avo vafara nemamiriro aita nhandare iyi.
Parizvino, zvikwata zviviri izvi zviri kushandisa nhandare dziri kunze kweHarare. Asi mukuru wekumahofisi eDynamos VaJonathan Mashingaidze vanoti vakamirira Rufaro.
"Parizvino, tirikushandisa Barbourfields Stadium, takamirira kudzokera kumusha wedu, musha weDynamos, Rufaro Stadium," vaMashingaidze vanodaro
Murairidzi wemutammbo wenhabvu VaEdmore Mutetwa vanoti varikufara kuti Rufaro yave pedyo kupera vachiwedzera ivo kuti dai mamwe makanzuru agadzirisa nhandare dzawo.
"Rufaro ndiyo imwe yenhandare hombe muZimbabwe, iyo yakabika mazita makuru munhabvu munyika muno. Chinhu chinofadza kuti tave kuzoonerawo maWarriors pedyo. Dai mamwe makanzuru akateedzerawo vagadzirisewo nhandare dzavo," vanodaro VaMuthetwa.
Zvimwe zvikwata zvemuHarare, Black Rhinos, Herentals neYadah zvakamirirawo Rufaro Stadium iyi zvichitevera kuvharwa kwakaitwa National Sports Stadium. National Sports Stadium iri pasi pehurumende iyo iri kungovimbisa kuti ichagadzirisa zviri kudiwa.
Asi basa muRufaro Stadium richiri kuenderera mberi sezvo paine nzvimbo dzinosanganisira panogezera vatambi, zvimbuzi zvekunogara vatsigiri nezvigaro zvenhandare yese zvisati zvagadzirwa sekurudziro yakabva kuCAF.
Asi VaMafume vanoti varonga kuti vashandi vekanzuru vashande zuva nesikati kuti izvi zvigadziriswe. Asi varamba kutaura kuti vanotarisira kuti izvi zvichange zvapera rinhi.
Forum