Accessibility links

Breaking News

Mutambi Ane Mukurumbira muNyika, Daves Guzha, Anodzoka Zvine Mutsindo neMutambo Wake Unonzi 'Aikaka!'


Davies Guzha
Davies Guzha

Mutambi ane mukurumbira munyika, Daves Guzha, adzoka zvine mutsindo nemutambo wake unonzi Aikaka! uyo uri kuitwa panzvimbo yeTheatre in the Park mu Harare. Izvi zviri kuitika mushure menguva refu Guzha ambosuduruka pachikuva.

Mutambo uyu unodonongodza nekupenengura nyaya dziri kuitika munyika dzakaita sehuori, hutungamiri, kuondomoka kwehupfumi nezvimwe zvine chekuita nemagariro evanhu.

Guzha anoti Aikaka! mutambo unoburitsa kukanuka kana kushamisika nemamiriro akaita zvinhu munyika kana munharaunda dzatigere. Guzha anoti zvakakosha kuti vanoita zvemutambo vanzwike kana vachitaura nyaya dzinoitika munyika sezvo zvichisimudzira runyararo nebudiriro.

Sachigaro wesangano re Zimbabwe Peacebuilding Initiative, iro raimbove Zimbabwe Peace Trust, uye vaimbove gurukota muhurumende yemubatanidzwa, Amai Sekai Holland, vanoti vanotambira kudzoka kwa Guzha mukuvaraidza veruzhinji nemitambo.

Vanotiwo vanofara zvikuru kuti mutambo uyu uri kukokerwa nevanakoma vavatsanangura vachiti 'The Boy Child'.

Muzvinafundo vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Dr Kelvin Chikonzo, vaudza Studio 7 kuti vanoita zvemitambo vane basa guru panguva ino nyika yakatarisana nesarudzo.

Vatiwo kubva kare mitambo yaishandiswa kutaura zvinosangana nevanhu munharaunda dzavagere. Mumwewo ari kufarira mutambo uyu, mutambi wechidzimai, Elizabeth Majongwe, uyo ati mitambo inosunungura pfungwa dzevanhu uye kubatana.

Mutambo uyu wakanyorwa nevanyori vatatu vanoti; Stanley Makuwe, Patience Phiri, na Tinashe Muchuri. Wakavhurwa musi wechipiri Nyamavhuvhu 8 uye uri kuitwa kusvika musi weMugovera Nyamavhuvhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG