Accessibility links

Breaking News

MaWarriors Otarisana Nekunotambira Kunze kweNyika neKushaya Nhandare


National Sports Stadium
National Sports Stadium

Mukuru weZifa Normalisation Committee VaLincoln Mutasa vanoti vari kutarisa siku nesikati mafambiro ari kuita gadziriso yeNational Sports Stadium neRufaro sezvo paine makundano e2026 World Cup ari kuuya.


Vanoti ishuviro yavo kuti nhandare imwe chete pambiri idzi inge yapera panotanga makundano akakosha aya.

"Tine makundano eWorld Cup muna Mbudzi. Tinovimba kuti imwe yeRufaro kana National Sports inenge yapera kugadziriswa patichatamba mitambo. Tinoda vatsigiri vedu vese vemaWarriors kuti vave munhandare pane kuti vafambe kuenda kune dzimwe nyika," vanodaro VaMutasa.

Kunyange hazvo VaMutasa vanoti varikufara nemafambiro ari kuita zvinhu kuRufaro Stadium, vanoti vachagara vachibatana nevekanzuru yeHarare pamwe neveSports and Recreation Commission kuona kuti gadziriso idzi dziri kufamba sei.

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaJoseph Mutawu vari kukumbirisa kuhurumende kuti dai yagadzirisa nhandare yeNational Sports Stadium nechimbi-chimbi kuti Zimbabwe ikwanise kutambira pamusha kuti iwane rutsigiro rwakasimba. VaMutawu vati, "Tirikumbirisa kuhurumende kuti dai vakwanisawo kuti gadzirirawo National Sports Stadium nekukasika.” Vaenderera mberi vachiti, “Zvinhu zvinonyadzisa kutambira mitambo yedu kunhandare yekune dzimwe nyika. Hazviite, hazvina chimiro," vadaro VaMutawu.

Izvi zvatsinhirwawo nenhengo yeWarriors Friends Club VaProsper Bhebhe avo vanoti nguva iri kufamba vachiwedzera ivo kuti kuzotevera maWarriors kuZambia kana kuSouth Africa kunodhurira veruzhinji.

Parizvino, Zimbabwe haina nhandare kana imwechete zvayo inokodzera kutambirwa nhabvu nechikwata chenyika mushure nekumiswa kweNational Sports Stadium neveCaf.

Asi mukuru wekumahofisi eSports and Recreation Commission Muzvare Elleta Nengomasha vanoti basa riri kutoitwa muNational Sports Stadium vachiwedzera ivo kuti michina yematikiti yemagetsi yakatotengwa uyezve iri kutoiswa.

Gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry vakavimbisa kuti nhandare yeNational Sports Stadium ichange yagadziriswa mitambo isati yatanga. Vakawanda vanoti hakuna zvizhinji zvaitwa kuNational Sports Stadium zvinoratidza kuti nhandare iyi inokwanisa kushandiswa gore rino.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu VaNazzy Moyo vanoti Zimbabwe yasarira zvikuru nekuti yanga isingafanire kuve ichigadzirisa nhandare dzekare asi kuvaka dzitsva sezviri kuitawo dzimwe nyika kusanganisira Zambia.

"Kana tiri vanhu vane chido nenhabvu tave kufanira kuvaka nhandare itsva dziri nani. Kana mukore uno tichiri kumhanya kugadzirisa ana Rufaro tichirio kure. Ndofunga muno muAfrica ndisu tangosaririra," ndiwo maonero aVaMoyo.

Zimbabwe iri kuda kushandisa imwe yenhandare idzi mumakundano eChan neWorld Cup mushure mekudzorwa munhabvu yepasi rese neFifa musi wa 10 Chikunguru.

Nyika yainge yambodzingwa munhabvu umu nemhaka yekupindira kwebazi rehurumende reSRC mune zvehutungamiri hwenhabvu.

Mumakundano eWorld Cup, Zimbabwe yakaiswa mugungano rimwe chete neBenin, Lesotho, Nigeria, Rwanda, ne South Africa. Mitambo yeWorld Cup iri kutanga muna Mbudzi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG