Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vovimbisa Kunovhota Zvine Mutsindo


Apo kwasara mazuva masere kuti nyika ipinde musarudzo dzegore rino, vechidiki vakawanda vanoti vakagadzirira kuenda kunovhota zvine mutsindo rwendo rwuno.

Mumwe wechidiki mudunhu reMakoni West, VaYoungston Dzikiti, vanoti vagadzirira chose kuenda kunovhotera vanhu vavanoda. VaDzikiti vati, “Ini ndatononokerwa nekuenda kunovhota, ndatomirira musi wa23 August."

Vatizve, "Ndiri kuziva vanhu vandiri kuda kunovhotera. Kune vamwe vechidiki vanogona kuti hatisi kuenda kunovhota, ndinoda kukuudzai kuti seri kweguva hakuna munamato. Hatidi kunzwa anozochema mangwana kana bato rake risina kukunda, asi iye asina kuenda kunovhota.”

Mumwe wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, uye ari kukwikwidza kuita kanzura muHarare, VaTakudzwa Ngadziore, vanoti vechidiki vane sarudzo iri nyore kuita rwendo rwuno. VaNgadziore vati, “Muna 2018, pane bato rakavimbisa kuti kana rikapinda muhutongi vachagadzirisa nyaya dzemuzvikoro, dzehupfumi hwenyika uye dzezvehutano- asi rakazviita here? "

Vatiwo, "Bato iri riri kufamba richiti rine mabasa arakaita anorikodzeresa kuti ripinzwe zvekare muhutongi, asi tichitarisa zviripo, zvakaitwa neZanu PF, hapana chinobatika.”

Asi mumwe wevechidiki muZanu PF, muBulawayo, Nyari Bechani, anokurudzira vechidiki kuti vavhotere bato rake. Vaudza studio 7 kuti, “Ndiri kuona sekuti vechidiki vagadzirira kunovhota, kunyanya vaya vari kunovhota kekutanga." Vatizve, "Ndinoti vechidiki vasafunge ruviri pakuisa vhoti yavo pana VaMnangagwa, uye makanzura nevamiriri vedare reparamende veZanu PF, nekuti bato iri riri kuita mabasa akanaka anokodzera kupiwa mamwe makore mashanu.”

Mushandi musangano reElection Resource Centre, Takudzwa Tsunga, anoti ongororo yavakaita mwedzi miviri yadarika, inoratidza kuti pane vamwe vechidiki vari kuti havasi kuvhota musarudzo nekuti havana chivimbo nemaitirwo esarudzo dzemuno. VaTsunga vati, “Takaona kuti 71% yevechidiki ndivo vakanyoresa kuvhota, uye pachikamu ichi, 94% ndivo vakati vachabuda kuenda kunovhota, zvichireva kuti pane vechidiki 6% vasiri kuenda kuzoenda kunosarudza vatungamiri vavanoda, zvisinei nekuti vakanyoresa kuvhota.”

Asi chipangamazano musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwanashe Chiriga, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vapinde zvine mutsindo musarudzo dzinoitwa munyika. VaChiriga vati, “Kuvhota ndihwo hwaro hwehutongi hwejekerere, naizvozvo handei tinovhota nehuwandu hwedu, kuitira kuti mazwi edu sevechidiki anzwike."

Vatiwo, "Uyezve, pakuvhota ndipo patinokwanisa kutaura zvizere maringe nehutungamiri hwatingada. Naizvozvo, ndinoti handei tinovhotera vatungamiri vasina nhoroondo yekukundikana, vane budiriro mupfungwa dzavo.”

Murume wechidiki anoshanda nesangano re Zimbabwe Initiative for Peace and Research, uye achiongorora nyaya dzevechidiki, VaJustice Muzondiwa, vanoti vechidiki ngavabude nehuwandu hwavo kunovhota, vasingatyi.

“Ini ndave kuziva kwandichavhotera uye ndinokurudzira vechidiki vese kuti vaende kunovhotera mutungamiri wavanoda nokuti vhoti yavo ikodzero yavo. Ngativhotereiwo vanhu vatinoona sekuti vanogona kugadzirisa matambudziko atiri kusangana nawo.” VaMuzondiwa vaudza Studio 7.

Makwikwi esarudzo yemutungamiri wenyika anoratidza kuti ari pakati pemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa.

Vaviri ava vakatatsurana zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018, iyo yakakonzera mutauro mukuru mushure mekunge VaChamisa vapikisa kukundwa kwavo naVaMnangagwa, asi dare reConstitutional Court rakaramba rakamira nezvakange zvaburitswa neZimbabwe Electoral Commission zvekuti VaMnangagwa ndivo vakanga vakunda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG