Mutungamiri wenyika nebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano kuNyazura, Manicaland.
Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vakurudzira vanhu kuti vavhotere bato ravo reZanu-PF kana vachida kuchengetedza nhaka yavo.
Kunyangwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti hupfumi hweZimbabwe hwananga kumawere, VaMnangagwa vati muSADC ndiyo iri pamberi.
Zvichakadaro, mutungamiri webato rinopikisa reTripple C VaNelson Chamisa vange vachiitawo musangano kwaMurehwa kuMashonaland East.
VaChamisa vati kunyangwe dunhu iri riine zvicherwa, zviri kumorwa zvihienda kunze kwenyika vanhu vedunhu iri vachinonga svosve nemuromo.
Mutungamiri werimwe bato rinopikisa reUZA, Amai Elisabeth Valerio nhasi vange vachitsvaga rutsigiro kuBulawayo. Amei Valerio vati vanhu vari kuvaudza kuti vari kutarisira kuti vakakunda vachasimudzira hupenyu hwavo.
Sarudzo dziri kuitwa svondo rinouya nemusi weChitatu uye vanhu gumi nemumwe ndivo vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.
Forum