Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Ronyunyuta kuZEC Pamusoro peKupinzwa kweNhengo dzeZanu PF Basa seVavhotesi kwaGutu


Mutungamiri weCCC, Vanelson Chamisa nevatsigiri vebato ravo.
Mutungamiri weCCC, Vanelson Chamisa nevatsigiri vebato ravo.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) kwaGutu ranyorera sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, tsamba yenyunyuto richiti komisheni iyi yakaisa nhengo dzeZanu PF dzinozivikana uye dzine zvigaro zvehutungamiri kuti dzishande sevhotesi musarudzo dziriko vhiki inouya, zvinonzi nebato iri kutyora mutemo wesarudzo.

Mutsamba yavo, munyori anoona nezvesarudzo muCCC kwaGutu, VaLloyd Mufudze, vati zvakitwa neZEC hazvisi pamutemo vachiti basa rekuvhotesa rinofanirwa kuitwa nevanhu vasina mapato avakarerekera.

“Ichokwadi tanyora ytsa,ba ku ZEC tichiti pane vanhu vanozikanwa kuti vatsigiri vamwe vatungamiriri vapuwa basa rekuvhotesa,” VaMufudze vadaro

Bato rinopikisa iri radoma nhengo dzeZanu PF dzarinoti dzakapiwa basa idzio dzinosanganisira VaSamuel Masomere, avo vachange vari paChin’ai Primary School, VaCuthbert Manonge, kwaMakura, VaTawanda Masaiti, avo vari kutungamira mukutsvagira ritsigiro nhengo iri kumirira Zanu PF musarudzo dzeparamende, VaBenjamin Ganyiwa kuGutu East, VaMucheneripi Masunda Zinatha Primary School, VaRightone Murambadoro, pa Mushayavanhu Primary School, pamwe naVaTawanda Mukova naVaRangarirai Gobvu paMukaro.

VaMufudze vakurudzira ZEC kuti ibvise vanhu ava kuitira kuti vanhu vavhoteswe zvakanaka uye zvabuda musarudzo zvibudiswe pasina kuzobiridzirana.

Mukuru anoona nezvekufambiswa mwebasa muZEC kwaGutu, VaAugustine Musasa, vatenda kuti vatambira tsamba iyi asi havasati vaiona kuti vatipe zvizere sezvo vange vari mundima vachidzidzisa basa vachavhotesa vhiki inouya.

“Tsamba ndanzwa kuti yasvika kuhofisi asi ini handiko ndiri kune imwe command centre so I heard ndichazoiona ndave ku office,” Vadaro VaNdava.

Zvichakadaro bato reCCC rinoti riri kutsutsumwa zvikuru nenyaya yemhirizhonga mudunhu reMasvingo apo kwasara mazuva mana kuti vanhu vavhote.

CCC inoti vanhu vana vakarohwa zvakaipisisa nezuro kuBikita East nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vachipomerwa mhosva yekutsigira bato rinopikisa iri, apowo nhengo iri kumirira bato iri musarudzo dzemakanzuru kuWard 6 kuChiredzi, VaHappious Chikutu, vachiti pane vanhu vakavaendera pamba pavo manheru adarika.

Mumwe mutsigiri, VaGordon Ndava, vanotiwo vakarohwa pamwe nevamwe vavo vanoti VaTyson Tozoona, VaWebber Chigogo naVaSana Moyona.

“Takasvikirwa tichida kuenda paNehanda tiri about four, mota ikamira ikati iri sei CCC tikati iri bho ndikadzurwa mbama ipapo."

Vanoona nezvesarudzo mudunhu reMasvingo mubato reTripple C, VaGodfrey Madzikanda, vati vari kushushikana zvikuru asi rwendo rwuno vanhu vacharatidza kutsamwa kwavo pakuvhota.

“Zvemhirizhonga hazvichabatsiri vanhu havachatyi uye vachapedzera shungu dzavo muvhoti,” vaMadzikanda vadaro.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, vati bato ravo hariiti zvemhirizhonga

“Mhirizhionga yafunya chisero kuBikita nekluti CCC ndiyo irikutanga yozochema chama , Zanu PF haiiti zvemhirizhonga,” VaChiwewe varamba.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vati havasati vanzwa nezvenyaya iyi.

Vamwe vanoongorora nezvesarudzo vanoti mhirizhonga yakadai inogona kukanganisa kufamba kwesarudzo kwakanaka.

Forum

XS
SM
MD
LG